Uncategorized

Nyamavhuvhu: Nhumbu isingataure chayadya

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MWEDZI waNyamavhuvhu gore rino ndiwo unonzi mutakura mombe mbudzi ihata. Mwedzi unenge nhumbu yemudzimai isingataure chayadya.
Zvinhu zviri kuita muturikidzanwa, kudzingirirana kunge zvinonzi nguva yapera. Kana zvinhu zvakasonana kudai, munyika mune vanhu vari kuchema-chema, chikudubura uone kuti pasi pomusuva wesadza panei.

Vanofunga kuti nyika yakamira kubudikidza nemamiriro ezveupfumi, tobvunza kuti nyika yakamira inoita zviri kuitika mwedzi uno here zvokuti vanhu ibesanwa vachienda nekuita zvinhu zvakasiyana-siyana?

Musaise mazwi mumukanwa maMukwende, nekuti haasi kuramba kuti pane zvinogogonera. Asi tikapembedza matambudziko tisingazivi kuti upenyu hwaita kuti tiite mahwekwe nematambudziko hwakakosha, kurasika kukuru.

Vapenyu ndivo vanochema. Vakafa havachazviziva! Anotsvaga mhindu mupenyu, akafa haana chaachaita!

Vana vakavhara zvikoro musi wa7 Nyamavhuvhu. Kutaura kudai vamwe vavo vari kuzororo kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Vamwe vari kuverenga nekuti pavari kudzokera temu inouya vanenge vave kunonyora bvunzo.

Hezvinoi zvimwe zvaita kuti mwedzi uno usiyane nemimwe mwedzi. Masvondo maviri apfuura nhengo dzevechidiki (Youth League) mubato riri kutonga reZanu-PF dzakaita musangano muHarare, vakasarudza hutungamiri hwavo.

VeWomen’s League muZanu-PF vakaitawo musangano svondo rakapera, musangano wakapembedzwa navazhinji, kusanganisira mutungamiri nemunyori mukuru, Cde R.G. Mugabe. Vese vari kuumba hwaro hwemusangano mukuru wemuna Zvita apo pachabuda hutungamiri hutsva hweZanu-PF.

Vamwe vave nepfungwa yekuti Zanu-PF iya yazotsemuka-tsemuka uye kuti yave kupa mapato anopikisa mukana. Fambai naro tione!

Asingazivi kuti musha unokura nemashoko ndiani? Asingazivi kuti mwana akasatsiurwa anoita nhinhi ndiani?

Vanoziva nhoroondo yehondo yeChimurenga nebato reZanu-PF, vanoziva kuti kukwira nekudzika kuri kuitika ikoku ndiko kwatisvitsa pamakore makumi matatu nemana tichiyeuka magamba, nekuti pakati pemisangano miviri iyi, musi wa11 na12 Nyamavhuvhu. Mweya wakatusa vana kuenda kuMozambique, kuZambia nekuTanzania unenge wamonera vana vanhasi. Nekuti vave kuratidza kunzwisisa nekuve nechiremera pamusoro pezuva remagamba nezuva ramauto. Zvimwe zvinobva kuvabereki, zvimwe muzvikoro, zvimwewo kune vanoshambadza mashoko.

Zvimwe chete nezuva rekupemberera kuzvitonga kuzere musi wa18 Kubvumbi. Vanhu vari kuenda kunzvimbo dzekupemberera mumatunhu ese nehuwandu hunoyevedza.

Vave kuwanda pamakungano aya mazera echidiki. Pane tsoka dzavave kutevera. Asi zvinoshamisa ndezvokuti vamwe vanotatamuka nekuda kutonga Zimbabwe, vanoitonga sei kana vasingape chiremera kumazuva akaita seIndependence neHeroes neDefence Forces Day? Vaenzi vakabva kunyika gumi neshanu mudunhu reSadc nevamwewo vokune dzimwe nyika vakange vari muZimbabwe kumusangano wechimakumi matatu nemana wevatungamiri venyika nehurumende mudunhu reSadc uyo wakaitirwa kuVictoria Falls kubva musi wa17 kusvika musi wa18 Nyamavhuvhu. Pamusangano uyu, Zimbabwe yakatora husachigaro kubva kuMalawi. Musangano weSadc uchipera vanhu vakabva vapinda muzviratidzwa zveHarare Agricultural Show zvakatanga musi wa20 Nyamavhuvhu uye zvichapera musi wa30 Nyamavhuvhu.

Mamwe makungano ezviratidzwa zvokurima mumatunhu akasiyana-siyana akatoitwa kana kuti achaitwa mushure meHarare Agricultural Show.

Kune zvemitambo, maProteas, vatambi veCricket vokuSouth Africa vakauyawo kuzotamba Cricket nechikwata cheZimbabwe.

Misangano yemakereke akasiyana-siyana iri kuitwawo nyika yese. Michato ijahwi. Vamwe vakanoroora mwedzi uno, vamwewo vachienda kunorova makuva, kuisa matombo kana kunyaradzo dzehama dzakavasiya.Nekudaro hapana angati haana chakewo chaakabata muna Nyamavhuvhu. Asi, pabesanwa rese iri pane munhu mumwe chete waunozvibvunza kuti anozvifambisa sei, nokuti anopinda muzvirongwa zvese izvi moyo wakaperera, achitaura nekutsondorodza zvinhu zvakakoshera Zimbabwe, moyo wakaperera zvakare: “Kubatana, kubatana, kubatana”.

Murume uyu mutungamiri weZimbabwe, President Mugabe.

Mukwende anogarozvibvunza kuti vanhu vari kuona kubata kwaMwari here muZimbabwe nekuti mazvita haiendi kubhangi!

Share This:

Sponsored Links