Nyamutsika, Mhandu hutu nemukombe

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Nyamutsika, Mhandu hutu nemukombe

Kwayedza

SHANGWITI dzemujaho wemarathon – Caniscious Nyamutsika naCaroline Mhandu – ndivo vakahwina mujaho weTanganda Half Marathon wemakiromita 21 uyo wakaitirwa kwaMutare svondo radarika.

Nyamutsika akahwina mujaho wevarume mushure meawa rimwe chete nemaminitsi mashanu achisiya dzimwe shangwiti dzaitarisirwa kuhwina mumakwishu aya idzo   dzinosanganisira Misheck Sithole uyo akatora mukombe gore radarika.

Achitaura neKwayedza achangobva kuhwina mujaho uyu,  Nyamutsika anoti, “Ndakagara mudenga rechinomwe, ndave nemakore akawanda ndichiuya kuzokwikwidza mumujaho uyu zvichiramba asi gore rino ndezvanguwo.

“Makore maviri adarika, ndange ndichipedza ndiri pechitatu, asi kuramba ndichishingirira ndichishanda nesimba kwazondibatsira zvikuru gore rino uye ndazohwinawo pekupedzisira.”

Shasha iyi inoti yave kutarisira kuenda kunokwikwidza kumujaho weVic Falls Marathon uye Tanganda Half Marathon yauya panguva yakanaka nekuti inomubatsira kugadzirira kuenda kune mamwe makwikwi.

“Mujaho weTanganda Half Marathon unouya panguva yakanakisa chaizvo nekuti unondipa mukana wekugadzirira kunokwikwidza kune mimwe mijaho nekudaro ndinotenda vatungamiriri veTanganda nekutipa mukana uyu. Ndave kutarisira kunokwikwidza kuVic Falls Marathon svondo rinotevera uye ndinoshuvira kuti ndichanokunda nekuti morari yangu yasimuka zvichitevera kuhwina kwandaita,” anodaro.

Mhandu – uyo akahwina mujaho wemadzimai – anoti kushanda nesimba kwaange achiita gore rese ndiko kwakamubatsira kuti ahwine mujaho uyu.

“Tanganda tinoiziva kuti iriko gore negore uye tinogara takaimirira nekudaro zvinoda kuti munhu ugare wakagadzirira saka ini ndinogara ndakaimirira. Ndine mufaro mukuru nekuti ndini ndahwina goridhe gore rino,” anodaro.

Zvakadai, kune mamwe makwikwi, Elford Moyo ndiye akahwina mujaho wewiricheya kechinonwe kakatevedzana.

Shasha iyi yakarakidza hunyanzvi hwayo gore rino nekuramba ichihwinha kunyangwe zvazvo mugwagwa wakaitirwa mujaho uyu weMvuma usisina kunaka sezvo wakazara nemakomba.

“Zvinofadza kuramba ndichihwina, asi mugwagwa wacho hauchaite wave nemakomba akawanda nekudaro tinokumbira kuti nzira yacho igadziriswe tigomhanye zvakanaka,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>