Nyaya nemadingindira

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

TSANANGURA madingindira anowanikwa mumutambo Kereke Inofa. [25]

Muna Kereke Inofa mune dingindira rechitendero chechiKristu. Dingindira iri rinozadziswa naPastor Gift Mwenje vaitungamirira chechi yeRevelations, zvinoita kuti vazowana mukana wekupa Sarah nhengo yemuchechi pamuviri vaendesa murume wake, Zebra kune imwe chechi yavo kuUK. Dingindira iri rinojekeswa naPastor Mwenje vakanga vachivanziridza nekutya kuti chokwadi chekupa Sarah mwana kwavakaita chikazobuda pachena chaizovaparadzira kereke yavo yavakanga vazvitangira vega.

Rimwe dingindira riri mubhuku Kereke Inofa nderekusazvibata. Rinotsigirwa naPastor Mwenje naSarah vakanga vatadza kuzvibata kusvika pakudanana vari vanamati vekereke imwe chete uye vaine dzimba dzavo. Nyaya yekusazvibata iyi inoonekwa kuna Susan akanga atadza kuzvibata kusvika pakutorera Beauty mwana wemukoma wake, Sarah chikomba chainzi Dance Manyukunyuku.

Muna Kereke Inofa mune dingindira rekusavimbika. Rinozadziswa naBeauty akanga achidzidza paUZ asi achiita misikanzwa yekugara nechikomba chake Dance, baba vake, Zebra Nyundo vachifunga kuti aigara kuchikoro. Dingindira iri rinoburitswazve nachiremba Ayub Kanu vaishanda kuUK asi vasina kuvimbika pabasa ravo. Vanobatsira Pastor Mwenje kunyepera Mary kuti Sarah haana nhumbu nekuvanyorera matsamba ekuti vadzokere naye kuZimbabwe.

Imwe pfungwa yatinowana mumutambo uyu ndeyeruchiva. Pfungwa iyi inozadziswa naPastor Mwenje vakanga vashandisa chinzvimbo chavo chekutungamira kereke zvikaita kuti vazotanga kudanana naSarah aivachivawo. Nyaya yeruchiva inoonekwa kuna Beauty naSusan. Beauty anodanana naDance nekuti aive nemari yakawanda zvekuti paanotengerwa furati anobva abvuma kurara naye achiziva kuti aive nemukadzi wake zvikaita kuti azoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo.

Susan amainini vaBeauty vanochivazve mari yaDance ndokudanana naye muchivande zvinoita kuti vazotapurirwawo chirwere ichi.

Mubhuku iri munowanikwa dingindira rerudo rwechivande. Dingindira iri rinojekeswa naPastor Mwenje naSarah vanenge vachidanana zvekubiridzira vachitya kuzivikanwa naZebra murume waSarah, Mary mudzimai waPastor Mwenje uye nhengo dzekereke yeRevelations.

Rinozadziswazve naBeauty anenge achidanana naDance asi asingade kuti amai nababa vake vazvizive kuti ndozvaaiita. Zvimwe chete zvinoitwa naSusan anodanana naDance muchivande achida kuti Beauty asazvizive sezvo aive amutorera chikomba chake.

Share This:

Sponsored Links