Nyaya yekusavimbika

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

 

7. Munyori ari kutiratidza kuipa kwekusavimbika muupenyu. Buritsa nzira dzaanoshandisa kujekesa kuipa kwekusavimbika muna Ndiko Kusasana? [25]Vadzidzi munofanira kungonyurura zvinhu zvinoratidza kuipa kwekusavimbika nematambudziko azvinozounza kuvatambi netsigiro dzacho. Munyori anoshandisa nzira dzinoti: manyepo — Mugadzi anonyepera Lily kuti haana mukadzi ozoguma amurovesa naSekai,  chipfambi — Fadza anosasana nemukomana wekusiraha ndokumuvandisa pasi pemubhedha asvikirwa naRoddy zvinozoguma zvamupinza mumaoko emapurisa uye kubirwa mari naRoddy, kupa munhu mwana asiri wake — Fadza anoti Irene aisave mwana waPhiri asi ndewechikomba chaakambodanana nacho chekumabhazi, kushandisa mari isiri yako zvisina mvumo — Fadza anoenda kubhangi achishandisa bhuku raSekai zvinoita kuti azotanga kuvengwa naSekai, kubirana — Roddy naRobby vanobira Sekai mari yavaifanira kugovana zvinoita kuti Roddy azopfurwa nemapurisa Robby ndokusungwa, kurovana — Sekai anorohwa botsakufa naRobby naRoddy mushure mekuzivikanwa kuti akanga achisasana neshamwari yemukomana wekusiraha.

8. Tsanangura nzendo shanu nezvinangwa zvadzo sekufambwa kwadzinoitwa nevatambi vari muna Ndiko Kusasana? [25]

Mubvunzo uri kuda kuti munyurure nzendo shanu (5), motsanangura vatambi vari kudzifamba nezvadziri kufambirwa zvacho.

Chekutanga kudoma rwendo, mutsigiro ndimo mamunozotiratidza kuti ndiani ari kufamba rwendo rwacho, kupi uye ari kufambirei. Dzimwe nzendo dzacho ndeidzi: kuenda kumaindasitiri — Mugadzi naMasimba (chinangwa) kunoita basa ravo rekutengesa, kuenda kuZengeza — Sekai, Charles naSarudzai (chinangwa) kushanyira tete vaSekai vainzi Fadza, kuenda kumusha — Sekai (chinangwa) kunoudza vabereki vake nezvekurambana kwaakanga aita naMugadzi, kuenda kuMarimba — Lily (chinangwa) kunoona kumba kwemukomana, kuenda kuKwekwe — Sekai (chinangwa) kunoshevedza mukoma waMugadzi kuti azoona girosa ravaida kutenga kuMufakose, kuenda kuMarimba — Fadza naSekai (chinangwa) kunotora mbatya dzaSekai kumba kwaMugadzi, kuenda kuMarondera — Mugadzi (chinangwa) kunoona musikana wake, Lily.

9. Ndezvipi zvausingafarire maererano nezvinoitwa nevatambi vari muna Ndiko Kusasana?

Tsigira mhinduro yako zvizere.

Pamubvunzo wakadai munosungirwa kusarudza vatambi vashanu motsanangura zvinhu zviviri pamutambi wega wega zvamunovenga zvaanoita munyaya. Zvimwe zvacho ndeizvi: (a) Fadza — handifarire zvaanoita zvekufurira Sekai kuti anwe doro, kupa Phiri mwana asiri wake (b) Sekai — handifarire zvaanoita zvekuenda kubhaisikopo naRobby, Roddy naFadza, kudanana naRobby, kurova Lily (c) Mugadzi — handifarire kunyepera Sekai kwaanoita achiti aienda kumusangano wekubasa achienda kuMarondera, kunyepera Lily kuti haana mukadzi iye ainaye, kuroora Lily achiri kugara naSekai (d) amai Chipunza — handifarire zvavanoita zvekuudza Sekai makuhwa ekuti Mugadzi akaunza Lily pamba ari kuKwekwe, kufurira Sekai kuti arove Lily (e) Roddy — handifarire zvaanoita zvekuba mari yaMugadzi, kunyepera Lily kuti vaida kugadzira magetsi epamba paMugadzi, kurova Sekai, kuba mari yaFadza.

 

Mhinduro dzemibvunzo iyi dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

 

Email: [email protected], Nhare: +263 772610360

Share This:

Sponsored Links