Uncategorized

Nyoka 11 mukombi

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Nyoka 11 mukombi

Kwayedza

. . . vanhu vagere tatata . . . ndokuzobuda votiza

Michael Magoronga
VANHU vaiva mukombi yaibva kuGokwe ichienda kuKwekwe vakaita bararamhanya vachibuda mumota iyi apo vakangoerekana vaona nyoka nevana vayo 10 zviri muchitsapo.Nekuda kwemashura ayo akaita kuti vamwe vavo vapotse vapoya kubuda mukombi iyi nepamahwindo nekutya, vanhu ava vakaguma voda kuita kanyama kanyama kurova mutyairi wekombi nahwindi vachida kuti vatsanangure kuti nyoka idzi dzaidei mumota yavainge vakakwira.

Vamwe vari kuziva nezvemashura aya vanoti nyoka iyi nenzvenzvana (vana venyoka) dzayo gumi ndezve mishonga.

Kuti nyaya iyi ibude, zviri kunzi hwindi ndiye akaita mahwekwe nechitsapo chaiva nenyoka idzi icho chainge chiri pakati pemamwe mabhegi mubhuti rekombi.

Mushure mekutarisisa – vanhu vainge vakatakurwa votoita batai batai nekutya – ndipo pakaonekwa kuti muchitsapo ichi maiva nenyoka yechiva ingangoreba mita nedzimwe diki 10.

Zviri kunziwo vanhu vekombi iyi vakatsanangudza vachiti vainge vatumidzirwa nechitsapo ichi nemumwe murume wekuGokwe uyo akati vanonochipa mumwe mukadzi muKwekwe.

Asi izvi hazvina kuzobuda sezvo nyoka idzi dzakaonekwa kombi iyi yava paJoel Growth Point, kuZhombe, vanhu vainge vakatakurwa ndokuzodya marasha vachida kurova mutyairi nahwindi vachivati ndivo varidzi venyoka idzi.

Pakarepo, machinda ekombi anonzi akabva avhetemutsa mota vachitiza ndokusiya vanhu vavainge vakatakura panzira.

Mambo Zhombe, VaWeight Gwesela, vanotsinhira kuti nyoka idzi dzakaonekwa dziri mubhuti rekombi yaibva kuGokwe apo yakamira paJoel Growth Point kuti itakure vamwe vanhu.

Chaunga chakaona mashura aya – vanhu vaiva mukombi pamwe chete nevemunharaunda – vakazouraya nyoka idzi ndokudzipisa.

“Ichokwadi kuti nyoka huru nediki gumi dzaonekwa dziri mukombi yanga ichibva Gokwe ichienda kuKwekwe. Hwindi ndiye abata chitsapo changa chiine nyoka idzi apo ada kugadzira mabhegi mubhuti,” vanodaro mambo.

Vanoti vanhu vakagumbuka nenyoka idzi vachiti dziri kushandiswa zvemishonga yakashata.

Mambo Gwesela vanoti chikwata chikombi iyi chakazovhetemetsa mota chichitiza sezvo vanhu vaivepo vainge voda mhinduro dzizere pamusoro penyoka idzi.

Vanhu vose vainge vakambotakurwa nemota iyi vanonzi vakangosara vakayeva vari pamugwagwa, kombi iya yarova pasi kutiza.

“Pane zvakawanda zvisina kujeka sezvo machinda ekombi iyi vatiza apo vanhu vange voda kusecha mota iyi. Tazongonzwa kuti mutyairi wekombi iyi ndiye ange apihwa chitsapo chine nyoka nemumwe murume kuGokwe achinzi anochisiira mumwe mukadzi kuKwekwe. Machinda ekombi vatiza nechikonzero chekuti vange voda kuzvambaradzwa neruzhinji,” vanodaro Mambo Gwesela.

Vamwe vari kuti mutyairi wemota iyi aizivisisa nezvechitsapo chaiva nenyoka icho chinonzi ndeche muridzi wekombi.

“Ndinofunga vanozivisisa nezvenyoka idzi, zvikwambo zvavanoshandisa kuita mari. Kana mutyairi asina ruzivo nazvo, ko sei atiza nemota?” mukadzi akangozivikanwa saMai Tinashe anobvunza.

Anotizve mutyairi wekombi iyi asati atiza panzvimbo, mumota umu mainge mawanikwazve chimwe chisaga chinoita sechaiva nemadumwa nemimwe mishonga.

Apa ndipo panonzi pakabva patiza machinda ekombi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>