Uncategorized

‘Nyoka haisi yangu’

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
‘Nyoka haisi yangu’ VaLovemore Chimuramba

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wemubhuku raMarufu, kwaMambo Mashayamombe, kuMhondoro — nyakunzi akambobvuma pajekerere pamberi panatsikamutanda kuti akasiirwa nyoka nevabereki vake vakashaika achiti ndiyo inomuchengeta — ava kudududza achiti nyoka iyi haisi yake, asi kuti akaita yekuisirwa mumba make nen’anga idzi.

Pane mashoko anoti vanatsikamutanda vakonzera kusawirirana kwemhuri dzakawanda mudunhu raMashayamombe uko vanonzi vari kushanda nevakuru veko semasabhuku, izvo zviri kuita kuti vanhu vatye kuramba kuti misha yavo ipindwe nen’anga idzi.

VaLovemore Chimuramba (61) vanoti vakamanikidzwa kuti mumba mavo mupindwe nen’anga idzi, idzo dzavanoti dzaiva netsamba yakabva kwaMambo Mashayamombe yekuvabvumidza kufamba vachichenura misha.

Zvisinei, Mambo Mashayamombe vari kuramba nyaya yekuti vanoshanda nanatsikamutanda vachiti havadi kuvaona mudunhu ravo sezvo vachirwisanisa vanhu nekuvakubira upfumi hunosanganisira mombe.

Kwayedza ine tsamba iri kunzi yakanyorwa naMambo Mashayamombe iyo ine chidhindo chedare ravo asi mambo ava yavari kuramba kuti ndeyavo. VaChimuramba, avo vanova mutevedzeri wasabhuku wemusha uyu, vanonzi vakambobvuma pekutanga vachiti vaiziva nezvenyoka yakabatwa mumba mavo.

Zvino vava kuramba mashoko aya kuKwayedza vachiti nyoka iyi yakaita zvekuiswa mumba mavo nen’anga idzi.

Muvhidhiyo yakatorwa pazvaitika, VaChimuramba vanobvunzwa natsikamutanda kuti vaiva vaisirwa nyoka iyi naiye here ivo vanoramba vachiti yanga iri mumba mavo.Muhururo neKwayedza svondo rapera, VaChimuramba vanoti vakataura zvose zviri muvhidhiyo iyi mushure mekunge vamanikidzwa nekutyisidzirwa.

Sabhuku Marufu

“Kuno tiri kushungurudzwa fanika nyika isina mutemo, tiri kumanikidzwa kuti mudzimba dzedu mupinde vanatsikamutanda tobatirwa zvinhu zvinonzi ndezvehuroyi zvakaita senyoka, nyanga, chuma nezvimwe asi zvisiri zvedu.

“N’anga idzi dzakauya naSabhuku Shamuyarira vaine tsamba yaiva yabva kwaMambo Mashayamombe vachiti musha wose washandirwa. Vakasvikoona sabhuku wedu Maxwell Bepu ndokuti munhu wose anofanirwa kugaurwa,” vanodaro.

Vanoti vanhu vakaunganidzwa kwasabhuku asi vamwe vakatiza, ivo ndokuendako.

“Vanhu vaibatiswa tsvimbo yatsikamutanda uyu apo ini ndakazobatiswawo ndikanzi kumba kwangu kwaiva nechikara chenyoka yaitenderera pamba pangu iyo yavakati yaida kubviswa.

“Takazoenda kumba kwangu apo vakanotanga kumwaya hupfu, mvura nesauti, vakapinda muimba inogara kudya ndokuzobuda. Vakanopinda mubhedhuru medu umo vakanopinza ruwoko mubhegi rinoenda navadzimai vangu kumasowe, mumwe wavo akapedza nguva ingaite maminetsi mashanu akaisa ruwoko imomo ndokuzoburitsa nyoka hombe nhema yainge yakapfavirira,” vanodaro.

VaChimuramba vanoti tsikamutanda uyu akati ico vakaisirwa nyoka iyi nevabereki vavo vakashaika kare – baba vavo Luxon Matambo Zenenga naamai Naume Chimuramba.

Mambo Mashayamombe

“Nyoka iyi yakanzi ndiyo inotipa matambudziko neminyama, yakaburitswa panze vanhu vakaungana apo yakazouraiwa nebanga. Asi chinondinetsa ndechekuti nyoka iyi haina kuburitsa ropa kuita sechinhu chakafa. Asati aiuraya, tsikamutanda uyu akaibata akaiisa muhuro make pasina kana kuvhinyinguka,” vanodaro.

VaChimuramba vanoti nyoka iyi yakazopiswa asi havana kugutsikana nayo uye vane fungidziro yekuti inyoka dzekugadzira kana dzinobatwa dzochengetwa dzichimirira kuzokandirwa mudzimba dzevanhu.

Tsikamutanda uyu vanoti akambenge atanga avaudza kuti sei vaisafambira matambudziko emumusha mavo.

“Chakazondinetsa n’anga idzi dzakazoti dzaida kundibvisa zvinhu zvaiva munzeve dzangu sezvo ndisinganzwe apo vakanga vave kuda mombe mbiri kuti yekubvisa nyoka neyekundibvisa chinhu chavaiti chaiita kuti ndisanzwe.

“Mombe yangu dhonza hombe ndiro rakatorwa nanatsikamutanda ava ndikasara nemombe 25.”

Vanotizve vakangowirirana nemudzimai wavo Rosemary Chimuramba (55) kuti mombe iyi itorwe zvayo sevanhu vainge vasina zvekuita.

“Ndakanzi kana usingade kubvisa mombe vaizosiya chikara ichi mumba mangu saka ndakatya ndokuti tivape mombe iyi, apo vakazouraya nyoka yacho,” vanodaro VaChimuramba.

Murume uyu – uyo ane vana vashanu, vasikana vatatu vakaroorwa nemumwe chete asina nemukomana mumwe chete – anoti vanatsikamutanda ava matsotsi.Sabhuku Marufu, VaFanuel Bepu (71) vanoti vanatsikamutanda ava vakaita vekuvigirwa naSabhuku Shamuyarira, VaProud Shamuyarira vachiti vaiva vatumwa naMambo Mashayamombe.

“N’anga idzi dzauiwa nadzo, ndakaenda kuna mambo vakanditi vaisaziva nezven’anga idzi pamwe chete netsamba yainzi ndivo vainge vanyora ndokuti yakanyorwa navadzimai vavo. Vakati maziso avo haachaona zvakanaka, ndikadzoka ndokutanga kushandisa tsamba yandakapihwa naSabhuku Shamuyarira iyi,” vanodaro.

Sabhuku Marufu vanoti mumusha mavo makabatirwa vanhu vaviri nyoka vanoti VaChimuramba nevamwe mbuya uyewo kwakabatwa zvimwe kudzimwe dzimba.

“Pavanhu vaviri vakabatirwa nyoka muno, hapana akabvuma kuti nyoka dzaiva dzavo vakangotorerwa mombe chete. Ini ndakazopa n’anga idzi $250 yekuti vaizondipa mombe inova mari yavakaenda nayo zvachose.

“Mbudzi yangu yandaiita $50 vakatora, vakandibirawo wachi yangu nefoni yemwana wangu. Vakabva pano vachiita zvekutiza nehusiku vanhu vaona hutsotsi hwavo.

“Vanhu ava imbavha, iniwo ndakanzi vaiva vabva nekuna mambo ndokubvuma. Izvozvi ndazvimba makumbo nekufamba ndichivatsvaga kuti ndipihwe mari yangu,” vanodaro.

Sabhuku Marufu vanoti vakamhan’ara nyaya yekutsotswa kwavo nanatsikamutanda kupamurisa vakanzi vavatsvage voga sezvo vari ivo vakavapa mari.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti vanhu vanofanira kungwarira vanatsikamutanda nekuti matsotsi.

Mai Stella Makumbe (52) vanova mudzimai waSabhuku Marufu vanoti pakatiza vanatsikamutanda ava, vakasara vachirasa mishonga yaiva yasiiwa mavairara.

Raphael Bepu (20) anotsinhira kuti akabirwa nhare yake nanatsikamutanda ava.

Jane Bepu (28) anotiwo vanatsikamutanda ava vanonzi vakatizira kuKwekwe nekuGweru.

Sabhuku Marufu vanoti n’anga idzi dzapedza kutora madzimai evanhu nekukanganisa vamwe vanasikana mudunhu iri.

Asi Mambo Mashayamombe vanoramba kuti vanoshanda nanatsikamutanda.

“Handizive kuti iye Sabhuku Shamuyarira akapihwa tsamba iyi nani, zvichida kune vakaba chidhindo changu vakanyora tsamba iyoyi. Zvanatsikamutanda handizvide muno, matsotsi,” vanodaro.  Mai Mashayamombe mudzimai wamambo, vanorambawo kuti vane ruzivo netsamba inonzi iri kushandiswa nen’anga idzi kunyangwe iine nhamba dzenhare dzavo.

Share This:

Sponsored Links