Uncategorized

Nyoka ine misoro miviri?

05 Feb, 2015 - 13:02 0 Views

Kwayedza

CHAKAVE chapwititi kunzvimbo inogara vanhu vakawanda yeHopley, muHarare mangwanani emusi weMugovera wadarika apo kwakatenderera mashoko aiti kwainge kwaonekwa zinyoka raiva nemisoro miviri pane imwe imba ikoko.

Pwere nevakuru vakaita chipata-pata vachimhanyira kukamba yemapurisa yeZRP Round About (Mbudzi) Post uko kwainzi nyoka iyi yainge yaendeswa.

Asi zvakazobuda kuti nyoka iyi yainge isina misoro miviri, kunze kwekuti waiva musvesvenenga weshato iyo yainge yabatwa mune rimwe bindu naVaGeorge Aironi (38).

Chaunga chevanhu ichi chakamboita rurasademo kutiza apo shato iyi yakapotsa yapunyuka kubva musaga mayainge yakaiswa zvisinei kuti vanhu ava pavakamhanyira uku vaida kunoona “nyoka ine misoro miviri”. Pamifananidzo iyi, shato iyi yairatidzwa kuKwayedza naTafadzwa Joram (30) kuchimirirwa vebazi rezvemhuka, reZimbabwe Parks and Wildlife Managment Authority, kuti vazoitora. – Mifananidzo: Patrick Shamba.

Share This:

Sponsored Links