Uncategorized

nyoka yadya vanhu 8‘. . . inoda ropa revanhu’

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
nyoka yadya vanhu 8‘. . . inoda ropa revanhu’ Nyoka yashatirwa yakafutisa pahuro nehasha.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VANA vasere vemhuri imwe chete inogara kumindamirefu yeTsunga Village 1, kwaMambo Nyandoro, kwaChihota, vanonzi vakapera kuuraiwa nenyoka yevaroyi iyo iri kunzi yakazobatwa neimwe n’anga svondo rapera.

Mhuri yaVaCharles Jiri, avo vakashaika mugore ra1982, naMbuya Theresa Nhundu Jiri (78) vekuWard 17, inonzi yakapera kufa zvisina tsarukano zvekuti kwangosara mwanakomana mumwe chete pavana vapfumbamwe.

Mbuya Jiri — avo vava kufamba ne”wheel chair” — vanonziwo vakatsikiswa nebhazi nekuda kwenyoka iyi zvikaita kuti vararame negumbo rimwe chete mushure mekunge rimwe radimburwa.

Nyoka iyi inonzi yakaiswa mumusha wemhuri iyi nevavengi kuti ikonzere nhamo nematambudziko uye inogara ichida ropa revanhu.

Svondo rapera Kwayedza yakashanyira mhuri iyi ndokuwana pamusha uyu paine n’anga Edward Moyo (45) uyo anozivikanwa saSekuru Booster wekuZhombe.

Sekuru Booster akazoburitsa nyoka yerudzi rwemhungu (cobra) muimba inorara Mbuya Jiri, umo yaive muzibhegi ichinzi ndimo mayakaiswa nevaroyi kuti ipote ichiita chembere iyi mukadzi nekukonzeresa matambudziko mumhuri.

Trynos Jiri

Mhungu inonzi ndeye varoyi iyi — iyo inova mhando yenyoka ine huturu hwakaipisisa panyoka dzose uye inoti ikaruma munhu anofa mushure memaminitsi angasvika 20 bedzi – yakaburitswa Kwayedza iripo.

Nyoka iyi yakamboda kumhanyisa vanhu vaiva pachiitiko ichi, kusanganisira Sekuru Booster, apo yakazorohwa nebonza pamusana. Yaisimudza musoro ichifutisa pahuro nehasha.

N’anga iyi yakazobata nyoka iyi ikaisimudza mudenga apo yaikarara ichishevedzera kuti yaiva yabvisa chikara chapedza mhuri iyi.

“Mbuya ava havasisina mwana, vasarirwa nemumwe chete zai regondo. Fungai pavana 9 vose?

“Mbuya ava havasi muroyi, vavengi vavo varoyi vari muno ndivo vaivapedzera vana vavo. Izvozvi nyoka iyi yanga yave kuda kuchiuraya ivo vacho yozopedzisa nemukomana uyo asara oga,” inodaro n’anga iyi apo vanhu vaivepo vainge vakayeva — vamwe vachitotora mifananidzo nenhare dzavo. Inoenderera mberi ichiti: “Pano pasara vanhu vaviri chete — amai nemwana wavo mukomana — netuzukuru 6 nemuroora mumwe chete. Mumakore gumi, pafa vanhu vanodarika makumi maviri. Baba vepano vakafa vasina kurwara mugore ra1982, ambuya vepano vakatsikwa nebhazi vakadambuka gumbo.”

Mbuya Jiri vari pawheel chair — Mifananidzo naNicholas Bakili.

Mbuya Jiri vanotsinhira kufa kwevemhuri yavo zvisina tsarukano – kusanganisira vana vavo vasere.

“Baba vakafa vasina kurwara, ini ndikatsikwa nebhazi ndikadamburwa gumbo. Kwese kwandinofambira matambudziko aya, zvinongonzi pamba pane nyoka yatipedza. Nyoka yabviswa nasekuru iyi yanga iri mumba mandinorara, mubhegi rinogara zvinhu zvangu zvitsva — magumbeze nembatya — izvo zvandisingapfeke,” vanodaro.

Mbuya Jiri — avo zvose nemwanakomana wavo asara vanopinda chechi yeJohane Masowe — vanoti vana vavo nevazukuru vanofa vasina kurwara kuchingobatwa nyaya yenyoka.

Chembere iyi yakapururudza nemufaro apo vakaona chikara ichi chichiburitswa mumba mavo.

Nyoka iyi yakauraiwa pamusha apa, pava pashure ndokuzopiswa.

Sekuru Booster vachirova nyoka.

VaTryson Jiri (50), avo vanove mwana asara pamusha uyu, vanoti vakambosiya zvekuchechi kwavo vaona kuti vakanga vazvitadza, ndokutanga kuita zvechivanhu.

“Taiva vakomana 8 nemusikana mumwe chete, vose vakafa ini ndokusara ndangova ndoga. Vakoma vangu vakaroora vakaita asi vana vose vakapera kufa kusanganisa vana nemadzimai acho.

“Ini nemudzimai wangu nevana 6 naamai ndisu tasara pamusha waiva nevanhu vaidarika 20.

“Handina chekupokana nacho nekuti nyoka iyi taiibata kumaporofita pose paifa vanhu vemumba medu, zvaingonzi inyoka yevavengi,” vanodaro VaTryson Jiri.

 

Kanzura Mujeyi

Kanzura weWard 17, VaChristopher Mujeyi (50), vanoti n’anga iyi iri kushandira vanhu vanenge vachida uye hapana ari kuita zvekumanikidzwa.

“Chatisingade kutsikisa mutanda, vanoda zvavo ngavabatsirwe,” vanodaro.

Zvichakadai, kune mamwe mapotofita navanaTsikamutanda vanonzi vanokanda nyoka nezvimwe zvipukanana mumisha yevanhu vanenge vaine matambudziko, izvo zvavanozonyebera kubata vachiti zvinenge zvakaiswa nevaroyi.

Bhegi rine nyoka

Asi Sekuru Booster anoti haasi Tsikamutanda uye basa rake anoita pajekerere kune vanenge vamukoka bedzi.

Obvunzwa kuti sei kuine n’anga dzakawanda dziri kuzviti “Sekuru Booster” uye dzose dzichingobata nyoka muvanhu, n’anga iyi yakangoti, “Kune vakawanda vari kushandisa zita rangu kubira vanhu, ini ndini Sekuru Booster chaiye – original.”

Kwayedza yakambonyora nezvavana Tsikamutanda – mumwe wekuMt Hampden newekuMt Darwin – avo vose vanoshandisa zita rimwe chetero iri.

Svondo rapera pamberi, pane imwezve n’anga inozviti inobva kwaMusana – Sekuru Gorejena – iyo yakawanikwa nevatori venhau veKwayedza ichishandira vanhu iri musvo pajekerere kwaSvosve, kuMarondera. Ipapa pakabatwazve yainzi inyoka yemhungu yevaroyi.

Share This:

Sponsored Links