Nyora nhoroondo, pedza tb

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Nyora nhoroondo, pedza tb Mapapu ane chirwere cheTB

Kwayedza

MUSI 24 Kurume, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zuva reWorld Tuberculosis (TB) iro rakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Tinoda vatungamiriri vanorwira kupedzwa kwechirwere cherurindi muZimbabwe. Unokwanisa kuita nhoroondo yekupedza TB”

Svondo rino tinopanana ruzivo pamusoro pekudzivirira TB nezvinokwanisa kuitwa nemunhu anenge aine chirwere ichi.

TB chimwe chezvirwere zviri pamusoro panyaya dzekukonzeresa rufu rwevanhu pasi rose apo vanhu 1,7 miriyoni vari kufa nekuda kwerurindi gore rega-rega.

Zimbabwe iri pakati penyika 30 dziri kunyanya kutambudzwa neTB.

Zvisinei, nyika ino iri kutora matanho akasimba ekuderedza kupararira kwechirwere ichi kunyangwe zvazvo pachine basa guru rinoda kuitwa.

MuZimbabwe, zvikamu makumi matanhatu nezvinomwe kubva muzana zvevanhu vane TB, vanoonekwawo vaine HIV.

Tuberculosis kana kuti TB utachiona hunowanzobata mapapu kana kuti pahuro (pulmonary TB).

TB inokwanisa zvakare kubata dzimwe nhengo dzemuviri (extra-pulmonary TB) dzakadai sepfungwa.

Kana munhu aine utachiona hweHIV, ane mukana wakakura wekubatira TB nekuda kwekudzikira kunenge kwaita masoja anorwisa zvirwere mumuviri.

Zvisinei, unokwanisa kuderedza mukana wekubatwa neTB kuburikidza nekunwa mapiritsi ako emaARVs.

Kana uchirarama neHIV, unofanira kuvhenekwa TB nguva nenguva.

 

Unowana sei TB?
Pulmonary TB ndiyo yega mhando yeTB inokwanisa kutapurirwa kune mumwe munhu. Kana munhu aine TB akakosora kana kuhetsura, utachiona hwacho hunokwanisa kufemwa nemumwe munhu.

Zvisinei, havazi vanhu vose vanotapurirwa TB vanozorwara nechirwere ichi.

Pane mhando mbiri dzekutapurirwa TB dzinoti ‘Active’ ne’Inactive’.

Active TB:
Izvi zvinoreva TB inenge ichipararira nemuviri wose zvinoita kuti masoja anorwisa zvirwere atadze kudzivisa kurwara pamwe nezviratidzo zveTB.

Zviratidzo zveActive TB zvinosanganisira:

l kukosora kwemavhiki anodarika matatu

l kunzwa kuneta zvakanyanya

l kunzwa kupindwa nechando pamwe nekutsva panguva imwe chete

l kudikitira panguva yeusiku

l kusada kudya

l kudzikira kwehuremu hwemuviri

l Zviratidzo zveActive extra-pulmonary TB zvinowanzosanganisira kuzvimba nekurwadza kwenhengo dzinenge dzakanganiswa neutachona uhu.

Inactive TB:
Kana munhu aine Inactive kana kuti Latent TB, zvinoreva kuti muviri unenge wakwanisa kurwisa TB nekuikurira kuti isakonzerese hurwere.

Haina zviratidzo uye haikwanise kutapurirwa kune mumwe munhu.

Kune vamwe vanhu, mhando yeTB iyi inoramba yakadaro kweupenyu hwavo hwose asi kune vamwe inozosanduka kuita Active TB kana masoja anorwisa zvirwere mumuviri akazoshaya simba – semuenzaniso nekuda kweHIV.

 

Njodzi yekuramama neHIV:
Izvi zvinoreva kuti TB:

l inonetsa kuvheneka nekuona kuti iripo here

l inopararira nekukasika

l inogona kukanganisa utano hwemunhu kana ikarega kurapwa

l inokwanisa kupararira kune dzimwe nhengo dzemuviri

l inogona kudzoka zvakare mushure mekumborapwa

l inonetsa kurapa kana muviri wako usingadaire mushonga zviri nyore.

 

Nzira inoshanda mukudzivirira TB kuvhenekwa worapwa kuitira kudzivirira kuitapurira kune vamwe.

 

Ndingavhekwe here TB?
Kune nzira dzakawanda dzinoshandiswa kuvhenekwa TB. Kazhinji, TB inoonekwa kuburikidza nemuropa. Zvisinei, inokwanisa kuonekwa zvakare kubva mumakararwa kana dzimwe mvura dzinoburitswa nemuviri.

Zvinokurudzirwa zvakare kuti munhu atorwe x-ray yemuchipfuva kuti zvionekwe kana TB isina kupararira kusvika kumapapu.

 

TB inorapwa sei?
Kurapa Active TB:

Active TB inokwanisa kurapwa kuburikidza nemushonga (antibiotics). Mushonga wePulmonary TB unowanzotorwa mazuva ose kwemwedzi mitanhatu. Kune vanenge vaine TB inenge yapararira kune dzimwe nhengo dzemuviri, kurapwa kwacho kunogona kutora nguva refu.

 

Chii chinoitika kana ndikasatora mishonga yangu yeTB sezvinotarisirwa?
Kana vanhu vane TB vakarega kutora mishonga yavo nemazvo kana kuregera kuinwa nguva yekuti vachiregera isati yakwana, TB iyi inopedzisira isisadaire mishonga.

Pakadai apa, zvishoma zvinokwanisa kuitwa sezvo mimwe mishonga yacho haina simba rakanyanya. Unofanirwa kuongororwa zvakasimba paunenge uchirapwa kuti zvionekwe kana zviri kubatsira.

Zvakakosha kuti utore mishonga yako yeTB sezvinotarisirwa kuitira kudzivirira kuti isazorambe kudaira kumishonga.

Zvakakoshawo kuti uongororwe HIV kuitira kuti uzive paumire.

Kana uchinge uri HIV positive, unobva watanga kupihwa mushonga pakerepo kuitira kuderedza mukana wekubatira TB nezvimwe zvirwere zvinongonyuka.

Share This:

Sponsored Links