Nyora zvakanaka. . . kwete kubharangidza

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
KASIKA kusvika pauri kunyorera bvunzo.

Kurudziro yandingakupai ndeyekuti mushandise runyoro rwunoverengeka kuitira kuti vakwenyi vebvunzo vakwanise kunzwisisa mhinduro dzamunenge muchipa. Runyoro rwunokosha zvikuru pakupindura bvunzo nekuti ukanyora zvinhu zvisingaverengeki kana zvisinganyatsoneki, unenge uchiita kuti mhinduro dzako dzisanyatsoburitsewo pachena pfungwa dzako.

Naizvozvo kurudziro ndeyekuti runyoro ngarwuverengeke.

Mapepa aunoshandisa pakupa mhinduro ngaave akashambidzika kwete kubharangidza pepa. Ukabharangidza pepa unokanganisa basa rako kuti ribude richionekera zvakanaka. Hazvireve kuti kucheka chinhu chaunoona kuti hachisiricho kunorambidzwa, asi kuti ngazvionekwe kuti zvausiri kuda zvacho zvachekwawo pasina kubharangidza.

Mhinduro dzako dzinongoonekwa nekuti dzinenge dzisina kuchekwa.

Wapedza bvunzo, cherechedza kuti mapepa ose awashandisa pakunyorera bvunzo dzako akabatanidzwa zvakanaka uye akarongana semapinduriro awangauchiita bvunzo.

Zvisinei hazvo, regai nditore mukana uno kutenda vaverengi vose vakanga vachiverenga chikamu chino kubva gore richitanga kusvika nhasi uno.

Mose muri kunyora bvunzo dzegore rino, ndinokushuvirai rombo rakanaka kuti munge muchibudirira mubvunzo dzenyu kuitira kuti mugozadzikisa zvishuwo zviri kutsi kwemwoyo yenyu.

Share This:

Sponsored Links