Nzira dzechizvino-zvino dzekudzidzisa

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

CHIKORO chitsva chiri kuBorrowdale, muHarare, chiri kuvandudza nzira dzekudzidzisa nadzo vana kuburikidza nekushandisa materevhizheni ayo anoratidza zvidzidzo zvakasiyana.

Chikoro che Rishworth House, icho chiri panhamba 4 mumugwagwa Toledo Close munzvimbo inogara shoroma iyi, ndicho chiri kushandisa mhando iyi mukudzidzisa vana.

VaZvidzayi Utsiwegota, vanova mutauriri wechikoro ichi, vanoti:

“Nyaya yekushandisa machoko nemablackboards haipo pachikoro pedu, tichashandisa maprojectors apo zvidzidzo zvinobuda ipapo.

Tine dzimba dzekudzidzira dzinokwana 18 pamwe chete,” vakadaro.

Imba yoga-yoga yekudzidzira ichange iine projector apo vana vechikoro vanoitiswa zvidzidzo zvakasiyana.

“Nzira yekudzidzisa nayo iyi inoita kuti basa revadzidzisi rive nyore, tine zvimwe zvakawanda zvemhando yepamusoro izvo tiri kugadzirisa pachikoro chedu.”

Chikoro ichi chinotangira paZero Grade kusvika Grade 7.

Zvakadai, nemusi waMbudzi 8 vabereki nevamwewo vanoda kuona mamiriro echikoro ichi vanenge vaine mukana wekuchimema.

Vanoti nyaya yekuti pachikoro apa pave nebhodhingi pamwe nezvidzidzo zvesekondari icharongwa nekufamba kwenguva.

Share This:

Sponsored Links