Nzira dzewanano

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
MAKAREKARE wanano chinhu chaikosheswa zvikuru. Vanhu vaisangotorana vachitoita mhuri pamadiro sezvava kuitwa mazuva ano. Vanhu vaiva netsika dzaitevedzerwa uye kuti munhu azosvika pakunotora mwana wevanhu achigara naye, zvaitoda kupindira kwemajenandebvu kwete kungokaruka matove murume nemukadzi.

Vekare vaikoshesa badza zvikuru nekudaro ndiro raipihwa semuripo kana kuti roora. Zvaizoti kana munhu achinge asisadi mukadzi iyeye, nekuda kwezvimhingamipinyi zvakasiyana, aizogura badza odzorerwa twake twose kana achinge ari iye atadzirwa.

Mukufamba kwenguva, pfuma yose yakange yobvsiswa paroora yakange yodaidzwa kunzi badza zvakare.

Vanhu vaisawanana vasati vayaruka asi vaitora nguva vachidzidzana tsika nemagariro dzamara vaburitsana munhanga nemugota. Vaisatorana vokure nokure asi kuti vaiwanana vematongo, kunyanya mhuri dzaiva dzakavakidzana.  Vaitanga nekushamwaridzana kusvikira hushamwari hwadzama votozotuma gwevedzi nemashoko orudo. Gwevedzi uyu waidida nekufamba nekuti zvaisava nyore kuwana mhinduro yaidiwa. Dzimwe nguva zvaitotora nguva yekuti pamwe mutsvetsvi aitezenge aora mwoyo nazvo.

Kunetsa kwekuwana mhinduro nekunonoka kwacho kwakaita kuti nzira dzekuwana dziwande.

Kune vamwe vaineta nekumirira mhinduro yerudo dzamara voita unonzi musengabere. Pamusengabere musikana anenge aramba asi mukomana achidokwairira musikana. Anozoita zvekutarisa mafambiro anoita mwanasikana uyu nguva zhinji, sekuti anochera mvura kutsime rekupi uye nguvai uye kuti anotsvakira huni kupi. Mukomana anozongotsvaga zuva raanoenda onohwandira munzira yaizofamba nemusikana obva amubata zvine chisimba ondundurudzana naye dzamara asvika naye kumba uko anenge asisakwanisi kudzokera kuvabereki vake.  Vabereki vevaviri vanochizongotaurirana nyaya dzebadza ava vaviri votobikirana.

Kunewo vasikana vainge vachidokwairira mukomana asi iye mukomana wacho asina kana hanya. Musikana anorongawo zano rake rekuhwandirawo mukomana uya ari pamba pake, ongosvika nemikwende yake ototi ndauya kuzova mukadzi wako handichadzokera. Chero mukomana akamboda kuvhinyuka sei anodzikamiswa nevakuru avo vanenge vachinyarana sevavakidzani vozongobvumirana badza rototemwa, vaviri vobikirana. Uku kunonzi kugana.

Vamwewo ndivo vaituma gwevedzi uyo aiita man’a nekufamba dzamara vaviri vawirirana. Vadaro, vanofambidzana hazvo zvakanaka kudzamara kwazotumwa sadombo kana munyai kuti mukuwasha atsvage sadza. Apa hapaiwanzoita makakatanwa nekuti ndiyo nzira yewanano yaiyemurwa uye nanhasi uno inotorwa senzira yakatsiga yewanano. Kana pfuma yose yabvumiranwa, mukuwasha obvumwa mumusha, muroora anosara ozoitwa zvekutarwa kuti agozouya kumusha kwemurume wake. Iyi inzira yekutumira. Vamwewo vaiita kunonzi kutema ugariri apo murume aienda kunoshanda kumusha kwemukadzi waanoda kuzogara naye pasina mumwe mubhadharo waachapihwa uye kwemakore akaringana. Kana nguva yakawiriranwa yakwana, aizopihwa mukadzi wake oenda naye.

Kunewo anonzi matenganagudo ekuti mukuwasha aroora mukadzi wake zvakanaka asi wanei mukufamba kwenguva hanzvadzi yemudzimai inodananawo nehama yemurume saka kunongova kudzorerana pfuma. Ndiwo matenganagudo iwayo.

Share This:

Sponsored Links