O-LEVEL : Gara wagadzirira

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

ZVAKAKOSHA kuti uite gadziriro yakasimba yekunyora bvunzo dzeuvaranomwe (nhetembo nenganonyorwa) — dzingave dzepakati pegore kana dzekupera kwaro.

Iva nechokwadi chekuti wakaverenga ukanzwisisa mabhuku ese enhetembo neenganonyorwa awakanzi uverenge, usati wanonyora bvunzo. Bvunzo dzinogadzirirwa nenzira dzakasiyana-siyana. Unokwanisa kuverenga mabhuku enganonyorwa kusvika waona kuti wanyatsonzwisisa.  Angave manyepo kuti titaure tichiti mabhuku enganonyorwa anoverengwa kangani usati wanonyora bvunzo. Nekuti dzimwe nguva, kunzwisisa kunosiyana zvichienderana nebhuku ramuri kuverenga, nzvimbo yamuri kuverengera nemaverengero amunoita.

Zvakanaka kuti uverenge bhuku ringave renganonyorwa kana renhetembo wakagara panzvimbo ine runyararo, usingamhanye-mhanye uye wakanyatsodekara. Bhuku ngariverengwe katatu zvichienda mberi.

Izvi zvinoita kuti unyatsonzwisisa zvinotaurwa munhetembo, mashandisirwo ezvidavado, zvinofarirwa navananyanduri vakasiyana, madingindira, nezvimwewo; uye mafambiro enyaya, kubata mazita evatambi, zvavanoita, zvidzidzo, matambudziko anowira vatambi, kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya, nezvimwewo.

Wave kunonyora bvunzo ona kuti watakura chinyoreso chinonyora zvakatsetseka uye zvese zvonodiwa. Unofanira kubata nguva dzinenge dzichinyorwa bvunzo. Kasika kusvika panzvimbo yauri kunyorera kuitira kuti uzive hurongwa. Ukanonoka kusvika unogona kuzovhiringika kuti unenge uchifanira kunyorera mukamuri ipi. Izvi zvinoita kuti uzotanga bvunzo pfungwa dzako dzisisiri pamwe chete.

Kana wapinda munonyorerwa bvunzo, unenge usisabvumirwe kutaudzana neshamwari kunze kwekumirira bvunzo kuti ichitanga. Une nguva yaunopiwa nevanotarisa mafambiro ebvunzo yekuverenga mitemo yese yekuchengetedza neyekupindura bvunzo inowanikwa pashizha rekutanga. Mitemo iyi iripo pakukubatsira kuti unge uchiita zvinodiwa nevarindiri vebvunzo nevakwenyi vadzo. Unofanira kuverenga mitemo yese yakanyorwa pashizha rekutanga woinzwisisa usati watanga kunyora bvunzo.

Panoridzwa pembe yekuti bvunzo yatanga, verenga mibvunzo yese iri mupepa uchitsvaga yakakurerukira. Bvunzo dzeuvaranomwe dzinowanikwa kupepa rechipiri. Dzinobatanidzwa nemutauro.

Zvino chikamu chekutanga chinenge chiine mibvunzo yemutauro inokwana kuita mina. Iwe unosungirwa kupindura miviri chete. Mubvunzo wega wega unowanikwa muchikamu ichi unenge une zvibodzwa (12½). Izvi zvinoreva kuti ukapindura iri miviri zvibodzwa zvacho zvinenge zvave 25.  Chikamu chepiri ndecheuvaranomwe chinodimburwa chichiiswa muzvikwata zvitatu. Chikwata chekutanga ndechenhetembo. Chinenge chiine mibvunzo mitatu. Unosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete pairi yese.  Chikwata chepiri ndechemabhuku maviri enganonyorwa dzepasichigare, chine mibvunzo mitatu kana mina zvichienderana nemabhuku amakanzi muverenge. Unosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete.

Chikwata chetatu ndechemabhuku maviri enganonyorwa dzemazuva ano. Chine mibvunzo mitatu kana mina, asi zvinofambidzana nemabhuku amunenge muchidzidza. Muchikamu chino unofanira kupindura mubvunzo mumwe chete. Mibvunzo yese yaunopindura kuuvaranomwe mitatu uye ine zvibodzwa zvinosvika 75; zvikabatanidzwa nezvibodzwa 25 zvinobva kumibvunzo miviri yemutauro zvinobva zvakwana 100.

Zvakanaka kuona kuti washandisa nguva yako zvine ungwaru pakunyora bvunzo. Chinonzi bvunzo inzira inoshandiswa nevadzidzisi kupima ruzivo rwemudzidzi rwaakanga achipihwa kwemakore aanenge apedza ari kusekondari. Naizvozvo vanopima zivo iyi vachishandisa nguva. Izvi zvinoreva kuti bvunzo dzinoenderana nekugona kushandiswa kwenguva.

Ukatadza kushandisa nguva nemazvo zvinoreva kuti uchakundikana kupedza bvunzo dzako wotadzawo kubudirira zvinogutsa kubva mubvunzo idzodzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey