O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMOYO: Amai vaMonika vanoda kuzviuraya

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Vabereki vake vari kutukana. Anoyeuka kuti ane zvinhu zvaakange apihwa naMujubheki ndokupindwa nemweya wokuda kuona kuti zvaive chii ndokuona dziri shangu dzezvidodoma dzine rukanda rweshato.

Anofadzwa nekudziona ndokudziedza pamwe chete nerokwe riya ndokubva zvapindirana chaizvo. Anobva anzwa baba vake vachikosora ndokumhanyira kunoona kuti bopoto ravo rainge riri rei.

Paanopinda mumba anonzwa vachipopotedzana baba vachiti VaChigweru havasi kufara nekufambidzana kwavanoita naMujubheki. Vanotuka mudzimai vachiti muroyi ane gona rinomera nzungu, ipfambi, imbwa, gudo, dhumukwa. Vanovati ndivo vari kudzidzisa mwana zvenhema, vanonyepera kuita chiKristu, vakatuka amai vavo avo vairwara zvakaipisisa, vachiti zvakare vanoda kuti vafe.

Mudzimai vavo anodzorera achiti Mujubheki haasi chikomba chavo, vanganyarara here ivo VaMushayazano vachivatuka zvakadaro.

VaMushayazano vanombotadza kutaura nepamusana pokukosora. Amai vaMonika vanosimuka ndokubuda panze kwava kudzokera kwambopera kanguva vakabata kakavi vachiti Monika apote achinoona Mujubheki uyo ainge amupinza chikoro.

Vachingopedza kutaura, amai vaMonika vanobuda panze chinangwa chavo chiri chekunozvisungirira, Monika kwava kuvatevera achivadzivisa kuti vasazvisungirire. Aona kuti vashingirira nekuda kuzviuraya, anoti kana vaenda votoenda vose hapana achasara.

Anovakakatira pasi ndokubidiritsana kusvikira Monika azotsimbidzira mawoko aamai vake ndokuvagara madunduru munhu ndokuzoonekwa ava kupfakanyika ndokumboti zii kusiya kwekufemereka kwavo chete.

Vanozotaurira mwana wavo kuti vazvinzwa.

Vanodzokera kumba chinyararire Monika kana kumbofunga nezvekakavi kainge kari muhuro maamai vake, amai vasingadi kukabvisa neshungu yokuti murume wavo akaone azive kuti zvaakanga aita hazvifaniri kuitwa kaviri kana katatu.

VaMushayazano vanoona vanhu vadzoka ndokutanga nekunyomba nemutoo wekuseka zvainge zvada kuitwa nemudzimai wavo vachiti nguva inotevera vasazokanganwe tambo yeganda yakasimba nekuti gavi rinogona kudambuka munhu akabhamhadzirika pasi nekutyoka musana.

Mwana anokurungira amai vake twubota. Vapedza kutwudya kwava kuti ngavamboita munamato. Vasati varara amai vaMonika vanomuudza kuti mangwana acho aende kwaMujubheki sezvo paive nezvavaida kuti Monika anomubatsira. Monika ava kuda kuenda anoona kuti gavi riya richiri muhuro ndokuudza amai vake kuti varibvise sezvo raigona kuvadzipa vakakotsira.

VaChingweru vanosara vachichema huku yekutanaga ikarira pakarepo.

ONGORORO:

Sekerambabvu yakapomhodzwa (mild sarcasm) tinoiona ichishandiswa naVaMushayazano apo vanenge vachinyomba nemutoo wekuseka zvainge zvada kuitwa nemudzimai wavo. Tinonzwa vachiti, “Ko zvaita seizve ndatoti ndichanzwa Monika oridza mhereka ini. Ndanga ndava kutokunamatira kuti ufambe zvakanaka. Ndanga ndoti watorembera kare” (50).

Tinovanzwa vachienderera mberi vachiti, “Dai wanga wandikumbira tambo yeganda unoti ndaikunyima here? Kana twakusvikira zvakare utange wandiona ndikupe tambo.

Gavi harina kusimba, rinodambuka rikakubhamhadzira pasi, ukatyoka musana” (50).

Muverengi ungati kunzwira mudzimai tsitsi here?

Hazvigumiri ipapo. Tinovanzwa votizve, “Mangwana usazokanganwe tambo. Ndichatopa Monika agare nayo kuitira kuti kana uchinge woda . . .” (50) ndokutadza kupedza kutaura nepamusana pegosoro rakanga ravabata.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links