O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMOYO: Monika anozotaura zvinogaromunetsa

23 Apr, 2015 - 11:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 12 (Ongororo: Enderero mberi)
Tinodzidzawo zvakati kuti maererano naTambudzai. Mwanasikana uyu tinonzwa Timoti achiti “akangwara kwazvo” (65). Tinonzwawo Monika achiti kunyange paaiva mudumbu ndakagara ndamuona kuti musoro wake uzere twakawanda” (65). Timoti anozopamhidzira zvekare achiti, “Ane njere dzinenge dzemunhu mukuru”. Munyn’ambo dzinoitwa naTimoti tinoona achishandisa enzaniso zvaanotaura, nezvaanogona kuita kumunhukadzi zvinoita kuti muverengi azadzwe nesetswa apo anoti kana ukaona mukadzi ava kurunza “sedhongi risina matomuka” (63) abva mukumbotaura kuti munhukadzi anogona kupetwa “segumbeze” (63) kuti atadze kana kutambanudza munwe.

CHITSAUKO 13 (Nyaya yacho)

Monika naTimoti vari kudzokera kwavo kunze kuchipisa zvekunyongodesa mutobvu asi Monika anongoramba achiti achataurira Timoti zvakaitika kana vasvika apo asi kana vasvikapo oti achamuudza vasvika pamberi dzamara Timoti aora moyo ndokuti ngaarege zvake kumutaurira kana asingadi nekuti haasi kumumanikidza. Kubvira ipapo haana chaanozotaura zvakare.

Vanosvika ndokugara pane uswa hwakasvibira hwaiva pedyo nemvura, misha yavo yava pedyo. Monika anombopedza kanguva pasina chaataura ndokuzoti zvaari kuda kutaura aiita kudaro nekuti Timoti ainge amutaurirawo zvakaitika kwaari uyezve kana amutaurira pasave nemumwe zvake waanooudza nokuti haazivi angasvika kupi naamai vake kana vakazvinzwa.

Anobva amutaurira kuti chirwere chaimunetsa ndechekuti akanga abvisa nhumbu iyo ainge apihwa naMujubeki aita zvekumanikidza akanongedzerwa banga avhundutsirwa kuti akangochema chete aimucheka. Monika ava kuchema, Timoti anomubvunza kuti akamupa mushonga wekuti abvise nhumbu ndiyani iye ndokuti ainge akanyorera shamwari yake yaaipinda nayo kuchikoro yaishanda Harare iyo yakamutumira mushonga wacho.

Abvunzwa kuti akadini kutaurira amai vake anoti aitya kuti vaizomuti arikunyepa achityawo kuti vaizoti ainge azviita achida. Timoti anoti ngavachienda Monika ndokumubvunza kuti aizomuona rini mukomna ndokungoti chete hameno mukomana kana kucheuka kana kusimudza zvake ruwoko oenda.

Monika asvika pamba kudomhoresa amai vake asi havapinduri kudoti ati apedzise kupara tsambakodzi ivo ndokuti vanoita vega, kudoti apindure muriwo ivo ndokuti ngaarege zvake kubata hari dzavo, vanozvigadzirira vega.

Kudovabvunza kuti zvaita seiko kuti vamurambidze kubika ivo ndokuti anozadzira hari dzavo netsvina, kwaainge ari vanokuziva here.

Amai nemwana vanoburana nenyaya yaTimoti uyewo neyekuti amai vakamutsvagira murume Mujubeki kusvikira Monika asvika pakuti amai vake anorega kudya sadza ravo, munhu ndiye kwanyanu akananga kunhanga kwake.

Amai kudoti ava kuenda kupi hapana anovanzwa. Mai vake vanomuvigira sadza asi haaribati mangwana acho zuva rakwira vanoenda nemunya vachiti vawane mabvunziro kuti zvakanga zvaita sei, mwanasikana ndokuti kana vazoguta sadza ravo vazomupawo. Amai vanobva vabuda vachivhara musuwo mumashure mavo.

ONGORORO:

Munyori anombotanga achishandisa musambo uya wekumboturika hana yemuverengi mudenga (suspense) asati amuudza zvakazotaurwa naMonika. Ndokusaka Timoti achizosvika pakuora moyo kwava kutaurira Monika kuti kana asingadi kutaura ngaanyarare zvake sezvo asiri kumumanikidza.

Muverengi anobva anzwa havi yekuda kuziva ongoramba achizvibvunza kuti chii chaicho chakaitika kuna Monika.
(Enderero mberi svondo rinouya.)

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey