O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO: Monika anopihwa homwe yepepa

13 Mar, 2015 - 14:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 8 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mujubheki anoti VaChigweru vamborega mwana agare pasi ndokumumhoresa asi haapinduri. Tete vanobvunza Monika kuti akadiniko iye ndokupindura. Amai vanobva vamuti achivataurira kuti ainge ari kupi vashatirwa zvakanyanya. Mujubheki anokumbira amai vaMonika vamunyarewo vozobvunzana zvavo nomwana wavo ivo vabuda, baba vaMonika vachidarowo asi amai ava vanoti mwana ndowavo nokudaro vanoita zvavanoda naye.

Baba vaMonika vanobuda, tete ndokusimukawo vachibva vaenda mumba ndokusara Monika, amai naMujubheki.

Amai vanochibvunza Monika kuti ainge arikupi iye ndokupindura achiti ainge aenda kunoona mukoma Tendai amai ndokumuti vakati chii. Mujubheki anopindirazve achiti vasapopotere mwana ndokushevedza Monika kuti ambotevera Mujubheki panze uyo anomuti asanzwe zvinorehwa naamai ndokubva apa Monika homwe yepepa yaaive nayo achiti aende nayo kugota kwake ozoivhura kana Mujubheki aenda.

Vadzokera mumba Monika anoshamiswa nekushanda kwakanga kwaita izwi ramai vake pavanoti avhure pakapfigirwa kana achida sadza asi anoti akaguta. Mujubheki anotaurira Monika kamwe karungano kokuti angakatonga sei, kemumwe murume ainga avimbiswa neimwe chirikadzi yainge ine mwanasikana kuti achave mudzimai wake kana achinge avaitira zvose zvavaida. Hapano paya apo murume ava kuti achitora mukadzi wake mwanasikana uye ndiye tana kuramba achiti haangaroorwi neharahwa. Chirikadzi iya inoenda kumurume uyu kunomuchemera vachiti achivarega vamupe mumwe mubhadharo asi murume anoti chitsidzo chinofanira kuchengetedzwa.

Abvunzwa kuti nyaya yakadai Monika angaitonga sei anoti hapana chekuita kunze kwokuti mwana uyu aende kumurume uyu. Mumba munomboita karunyararo, Mujubheki ndokutarisa kuna VaChigweru, Monika ndokubva anyumwa kuti pane zvakanga zviri kuitika asi asingazivi kuti zvii.

Mujubheki anobva anyemwerera achiti Monika agona kutonga nyaya iyi. Anobva aenderera mberi achitsanagura achiti murume iyeyu ndiMujubheki, chirikadzi iyi ndiVaChigweru, musikana wacho ndiMonika. Zhishoma nezvishoma nyaya yose inodzokera Monika uyo anobva abuda mumba kwava kuenda kunhanga kwake kwaanosvikozvikanda pasi neshungu akatadza kuchema nekushatirwa.

ONGORORO

Munyori anoshandisa musambo uyu wekuti muverengi nemutambi kana vamwe vatambi vari munyaya vari kuziva zvinenge zvichiitika asi mumwe mutambi kana vatambi hapana chavari kuziva. Nyaya iri kutaurwa naMujubheki iri kunyatsa kuzivikanwa naMujubheki naamai vaMonika muverengi obva aizivawo. Monika hapana nezvaari kuziva asi anozoti zvake pava paya ozotanga kuziva kuti iri kureva kuti kudini. Siyaniso (contrast) tinoona ichishandiswawo nemunyori panosvika Monika achibva kunoona Tendai amai vake vari kutibwida nekushatirwa asi paanobva kunoona Mujubheki panze, Monika anoshamisika zvikuru apo anoona kushanduka kwainge kwaita izwi raamai vake vachimunyengerera nekuda kumupa chokudya.

Tinosangana neenzaniso imwe chete apo Mujubheki anenge achitanga rungano rwake rwemurume uya wekuvimbiswa kuti achazopihwa mudzimai. Nyaya iyi yakaitika kare kare chaizvo kuve ukare kare uku kuchitaridzwa nekushandiswa kweenzaniso iyo inoti mhuka dzichaseka “sevanhu” (43).

CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho)

Monika apo anomuka mangwana acho anonzwa baba namai vachipopotedzana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>