O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Chokupamba akapamba zvisiri zvake

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 11 (Ongororo: Enderero mberi)
Chigange anoshatiriswa nemhinduro yaMambo Chokupamba yokuti hapana achaziva kuti zvipfuwo zvakasiiwa naTiritose zvaive zvingani nekudaro achavapa zvaanofunga kuti ndizvo zvinoenderana nezvakasiiwa nemushakabvu. Chokupamba ari kuti zvakaitika zvakapfuura nenguva yazvo hazvichagoni kuvabatsira panguva ino. Izvi zvinoshatirisa Chigange achiziva kuti Chokupamba akapamba zvisiri zvake zvaava kuda kuramba nazvo. Kudimikira tinokuona kuchishandiswa zvakati kuti muchitsauko ichi. Zvakaitwa naChokupamba zvekuranda zvinhu zvavo ozvishandisa sevasingagoni kuzvishandisa zvinoratidzwa nemadimikira akadai: “Makuzobata mwana wake Revai semuranda ndokumudzinga mosara muchidya zvamarema muchitamba ngoma” (109). Vanhu vaChokupamba apo vanoudzwa nezvekuita kwavo kwakadai havadi kubvuma mhosva asi kuti vanenge vopomerana mhosva izvo zvinonzi, “Chaive chiratidzo chekusairirana nyoka mhenyu” (109). Chokupamba anoti vanhu vaChigange vakurumidza kuita vasati vanyatsa kufunga izvo anoti, “. . . kuti madzoko mochimbidza kumedza kutsenga muchada” (109). Anomboedzawa kuvhundutsira achizviti munhu asingaitiki achiti, “. . . kakomo kasina ukwiriko” (100). Anotaurira vanhu vaChokupamba chakakonzeresa kuti vaite zvavakaita achiti, “Muchadura chakatadzisa imbwa kuseka, kunyenama ichigona” (111). Choruma anoenderera mberi nekuvhundutsira kwake. Vanhu vaChokupamba vakati houno upfumi hwasiyiwa naTiritose, tava kuutora nyore nyore izvo anoti, “Maiti dzawira mutswanda hadzichanetsi kunhongera nhai?” (112) Chokupamba haagoni kutaura, zvaanotaura zvinosemesa saka Chigange achizoti kwaari, “Une mukanwa makafira nyoka” (113). Ishe Chokupamba anoona kuti zvaaida kuita kuti vanhu vekwake vave kudivi rake zvaramba saka achiti, “Zvakona n’anga murapwa achada” (114). Amboedza zvaafunga asi hapana chabuda. Kuita kwevanhu vake kwaive kuzvikanganisira zvikuru, saka zvichinzi, “Chokwadi vakange vaita hwehuku inodya ichitsutsutira muromo pasi” (114).

Mambo Machingauta ari kutambudzika kuti kana varwi vakaenda kunotora pfuma vasina kudzoka zvichazofamba sei “kana zvikadai hapana chakanaka chinobuda kana kuti “. . . pano hapadyiwe rinopisa” (117).

Mambo afadzwa nekudzoka nekubudirira kwakaitwa nevarwi ava nekudaro anovatenda achiti achavapa makomborero akawanda kuti zvipfuwo zvavachapihwa kana kuti “Kuti mhodzi idzodzo dzitambarare dziwande” (120). Enzaniso dzashandiswawo asi hadzina uwandu hwakafanana nehwemadimikira. Mangwana acho zvarongwa zvekuti mauto aenda kunotora pfuma varwi vanofamba nedondo “sembada dzinonyanya chirugu” (107). Pakutaura kunoita Chigange achishevedzera aiita izvi “sekunonzi mumwe wevaviri ava aive nemaperembudzi, asingabvumirwe kusangana nevamwe” (107) kune murume uya aidzveta nechekumatanga emombe achiita seanozeza kuuya kune varwi vanaChigange.

Chigange apo anotaura zvaanenge avinga kuna Ishe Chokupamba, mukuru uyu anonzwa kuura mukati memauto ake munhu ndokuonekwa angoti tuzu nazvo” renge zizi raedzerwa risati radzokera kumapinga” (109). Choruma apo anoita mashiripiti ake, anobvisa ziso rake rekurudyi nyore nyore “sekunge ziso racho rakange risina kubuda pamuviri wake” (111).

Anovhundutsira achiti vanoda here kuti aenderere mberi musha wavo une ngozi ichavapedza vose vakanyenama “sembeva dzinofira nzungu imwe chete pariva” (112). Vachakungura vakahukura “sembwa dzisina meno” (112), kana aita zvaainge achida kuita Chigange aona kuti hapana chiri kufambira mberi, anobayira pfumo rake pasi ndokutanga kuruma-ruma muroma uku musana wakakokonyara “sechandira yakunga” (113).

Share This:

Sponsored Links