O-LEVEL— NDINOFA NDAEDZA

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 3 (Ongororo: Enderero mberi)
Yepiri yatinosangana nayo mundima iyi ndiyo inoti “. . . mwana wamambo muranda kumwe”.  Zvaainoona nekusangana nazvo kwaainge achienda zvaitoda kuti azvidupukise kwete kuti aite sekuita kwaaita kumusha kwake. Kunyangwe kudai akanga ari mumatambudziko mahombe, aizivikanwa naiye chete muhana make saka munyori achiti zvisinei hazvo, “chaiziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara” (19).
Zvafunga kuitwa nevaviri ava hapana mumwe munhu anozviziva, ivo voga chete ndivo vanozviziva saka pachishandiswa tsumo yekuti, “Nhumbu mukadzi mukuru, haireve chayadya” (32). Hapana mumwe munhu uyo Revai naChandafira vakamboudza zvavo. Zvakava zvavo vari vaviri chete.
CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho)
Revai anofamba mitunhu yakareba kwazvo, kana kumbosangana nechinhu chinonzi munhu mumasango iwayo. Nyama iya yaainge akatakura inozosvika pakupera, iye zvino atarisana nedambudziko renzara. Ava mangwanani anogara pazidanda kwava kutanga kuombera achidetemba vadzimu vake kuti vamutungamirire.
Mangwana acho anosangana nevamwe amai ndokuvatsanangurira zvaari nedambudziko raainaro. Mudzimai uyu anomuudza kuti ari mumusha waMambo Dendere, uyo ane moyo mukukutu.
Anozonzwira Revai tsitsi kwava kubvuma kuti achamupa zvokudya ndokuruka zano rokuti Revai auye kumba yake yaive nechekumucheto kwaiperera musha osvikomira pasi pezimuhacha.
Amira kudai, imbwa yepamusha pemudzimai uyu yaizohukura iye obva aziva kuti Revai asvika kwava kubuda nesadza rake achiita sokunge ari kuda kupa imbwa zvekudya.
Mudzimai uyu aenda, Revai akamira ipapo asingabvumi zvainge zvichangobva mukuitika. Kunze kuchangoti tsva-a, anonyahwaira achibuda muchuru achifunga zvakadzama. Angoti fambei zvishoma achipinda munzira dzaibva kumatanga, anosangana nemhou yaikuma ichiita murambamhuru mumashure mayo muine mumwe murume aitevera. Murume uyu anoshevedzera Chiendambuya kuti mombe iyi yainge yakagarwa seiko.
Mombe iyi inobowa ichisvetuka apo inovhunduka nekuona munhu akati kwati negwenzi mufudzi wayo ndokudzokera shure achimhanya zvekusiya mhepo pamwe achipunzika, pamwe achiwira mumakomba kuri kuda kuzviponesa achiridza mhere ndokukanda zvombo zvake pasi.
Mombe iya inozodzoka yoga kumatanga pasina aidzora murume uya ndokuti pindikiti kupinda mumba make achifemereka zvikuru.
Mudzimai wake nemhuri vanoshaya neremuromo, mudzimai ndokumudira mvura kuti zvimwe akange apererwa nemweya wekufema.
Pavanobvunza murume kuti chii change chambotora nzvimbo murume anongoti ainge afa asingatauri kuti chii chaizvo change chaitika. Mudzimai anomuti amuudze kuti zvainge zvaita sei kuti azviuraye nekumhanya murume ndokuzoti, “. . . shumba here kunyatsondigarira panyasi pemugwagwa unoenda kumafuro kuya!” (43).
Sematandanyadzi, murume mukuru anoedza kukudza nyaya yeugwara hwake achiti yaive shumba, iyo ainge asina kana nekumboona.
Mukadzi anobva aziva kuti chinhu chatizwa ichi ndiRevai ainge akati kwati nemuti. Murume anozoti nyaya iyi iziviswe kuvanhu nekuti munhu uyu angangoba zvipfuvo zvavo, mudzimai ndokumuti dai angosona muromo wake achimuti pamwe angaita bapu, vanozonyarira pai kana vanhu vaziva ugwara hwavo.
Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links