Uncategorized

Ochemera kudzokera kumurume waakatiza

25 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUDZIMAI wekuenda kudare redzimhosva achida kubatsirwa kuti adzokere kumurume wake uyo akamudzinga pamba akazoshaya pekupinda nenyadzi zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chake.

Loice Tarambwa akaendesa Takawira Mubvumbi kuHarare Civil Court achiti ari kuda kudzoka kumba kwake.

“Akandidzinga kumba achida kugara neshamwarikadzi yake pamba pangu. Saka ini ndava kuda kudzoka nekuti zvose zvavari kushandisa ndezvangu,” anodaro Tarambwa.

Anoti Mubvumbi akamudzinga pamba apa zvisinei kuti vakapavaka vose.

“Pamba apa ndepedu tiri vaviri asi aona kuti tavaka, ava kundidzinga kuti agare nemukadzi wake mutsva,” anodaro.

Mubvumbi anoti Tarambwa akabva kumba mushure mekunge vanetsana apo akatora zvinhu zvake akaendesa kumaraini.

“Paakabva kumba, takange tanetsana ndikamuti abve iye ndokutora midziyo yake akaendesa kumaraini. Saka zvekuti tiri kushandisa midziyo yake ndezvekunyepa uye handizive kuti akazviwanepi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti imba haisi yavo asi kuti ndeya baba vake.

“Kumba kwaari kuchemera kuda kudzoka hakusi kwedu, ndeya baba vangu haana kana chake ikoko uye hameno kuti ari kuda kudzoka kupi ini ndava nemumwe mukadzi,” anodaro Mubvumbi.

Mutongi Manasse Musiiwa akarasa chikumbiro chaTarambwa achiti dare harina masimba ekumubatsira kuti akwanise kudzokera kumba kwake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey