Oda kubhadharwa nhare nerudo

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

DHIRI rekutengeserana nharembozha rakazozvimbira mumwe mukadzi apo murume akange amutengesera anonzi akati ava kuda kubhadharwa nekupihwa rudo mushure mekunge atadza kumupa US$250 yavakange vawirirana semutengo.

Besy Jamu akaendesa Bernard Mushinga kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekuuya kumba kwake achimuti abhadhare chikwereti chenharembozha nerudo.

“Baba ava ndaifanira kuvapa $250 yenhare yavakanditengesera uye ndivo nyakundimanikidza ini ndisingade nekuti ndaisakwanisa mari yacho. Vakanditi tinozotaura paWhatsApp pakachipa, zvisinei ndakazotora nharembozha iyi,” akadaro Jamu.

“Dambudziko rakange rave rekuti baba ava vaida zvekurarira pungwe paWhatsApp vachinditi ngatimbotaurei zvakare vachinditumira mifananidzo yevanhu vasina kupfeka voti, ‘unoiona sei iyo-o? Ndiyo yandinoda kukutamba waiti ndingangokupe nharembozha mahara here? Chawakadya chamuka’.”

Akaenderera mberi achiti akazofunga zvekuenda kudare nekuti Mushinga akanga ouya zuva nezuva kumba kwake achida kuti amubhadhare nerudo.

“Anouya kumba kwangu kwasviba achinditi kana zvemari zvanetsa tongoita zvekuti tidanane. Ini handingaite rudo newe nekuda kwenharembozha yako, iZhing-Zhong futi. Ndakakuti tora nharembozha yako, ndiwe nyakundimanikidza.

“Ini handiite zvakapusa kudaro, handina kuuya kuHarare nhasi, ndinotoriwo tsotsi rakangwara,” akadaro Jamu.

Mushinga haana kuwirirana nezvaitaurwa naJamu achiti akamutengesera nharembozha iyi mushure mekunge aifarira.

“Ndakawirirana namai ava kuvatengesera nharembozha. Ndivo nyakunditi, ‘ndafarira nharembozha yenyu, ndodawo kuenda paWhatsApp kuti nditaurewo nemi,” akadaro Mushinga.

“Ndivo nyakutanga kutonditumira mifananidzo yevanhu vasina kupfeka vachiti munozvigona here izvo Shumba?

Ndakavapindurawo zvavaida kunzwa. Vaitozvidawo, vakatonditi ngatibheje.

“Ndivo vasina murume, vanondida ava ini ndine mukadzi wangu. Vanotonditumira kuti vanonzwa kundida paWhatsApp. Ini ndiri kuda mari yangu, hakuna chimwe chandinoda nekuti takanyorerana pasi. Zvimwe zvakazouyawo asi mari yangu ndoida.”

Mutongi Babra Masinire akati Jamu abhadhare mari yaMushinga asiwo murume uyu oregawo kumushungurudza nenzira ipi zvayo.

Share This:

Sponsored Links