Uncategorized

Odanana ne‘village’ rose

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Odanana ne‘village’ rose

Kwayedza

MUDZIMAI anopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu uyo akaroorwa kwaSeke — nyakunzi akaita chipfambi aine mimba ndokurega kureurura, zvikazokonzera rufu rwemwana waakabara — ari kuita kuimba chaiko achiti anodana nevarume “hobho”.Pachivanhu, zvinonzi mukadzi akaroorwa akangoita chipfambi iye aine pamuviri, ozorega kureurura, anosangana nematambudziko pakusununguka kana kuti mwana waanobara anofa zvisinganzwisisike.

Nyaya yemukadzi wemunhu uyu yakatopinda mudare raSabhuku Chitate apo mudzimai uyu akataura pajekerere uye pasina kunyara kuti anodanana nevarume vakawanda vemubhuku raakarorwa —chipo che‘‘village” rose.

Zvimwe zvezvikomba zvemukadzi uyu zvaive mudare iri.

Izvi zvakazoita kuti mukadzi uyu azvambaradzwe kurohwa nemamwe emadzimai evarume vaanoti ari kudanana navo padare ipapo. Marshia Mukwada (21) — uyo anova  mudzimai waMadzibaba Foster Karikoga (26) wemubhuku raChitate — akamiswa mudare raSabhuku Chitate, VaZiva Chitate (61), svondo rapera paseri nenyaya yekuita gumbo mumba gumbo kunze.

Foster Karikoga

Mudare iri, Madzimai Mukwada anodura mazita evarume vana vaanoti anodanana navo uye vakashinha kakawanda.

Dare iri rinonzi rakapindwa nevanhu vaisvika zana, apo Madzimai Mukwada asina kupedzera dare nguva, ndokuita kuimba achibvuma kuti anoita chipfambi nevarume vemumusha uyu. Dare iri rinonzi rakagutsikana kuti mudzimai wechechi uyu anodanana nevarume vakawanda kudarika vaakadoma.  Sabhuku Chitate vanoti vakashamiswa nenyaya yaMukwada, uyo wavanoti akadura mudare ravo kuti anodanana nevarume vanosanganisira mupurisa wemumusha (neighbourhood watch committee), uyo anonzi nemukadzi uyu pamwe pacho vakanosasana mukati memakuva eko.

“Nyaya iyi yakatanga pakafa mwana wemudzimai uyu. Mushure merufu rwemwana, vemhuri iyi vakazoenda kugata kumaporofita kwavanopinda, amai ava vakabatwa kuti vakashereketa nevamwe varume apo vaiva nepamuviri pemwana wekufa uyu.

“Vanonzi vakadura kumasowe ikoko mazita evarume vavakashereketa navo zvikazoita kuti nyaya iyi iunzwe kudare rangu nemurume wacho,” vanodaro Sabhuku Chitate. Mudare iri, Madzimai Mukwada anonzi akabuda pachena kuti akashereketa nevamwe varume — kusanganisira mupurisa uyo akamubhadhara $1 rekutenga juice card.

Sabhuku Chitate

Pamwe pacho anoti akazviita apo murume wake akange aenda kuMt Darwin.

Mukwada anonzi anodura zvakare kuti akashereketa nemumwe murume uyo akange

aenda kumba kwake achikumbira sauti neshuga, ndokumupa uye akazomugaisira hupfu pachena sezvo murume wake (madzimai) aine chigayo.

Mukadzi uyu anonzizve akaudza dare iri kuti akaita misikanzwa nevamwe varume — Raymond naSucceed, uyo waanoti akadzidza naye.

Sabhuku Chitate vanoti Mukwada akaudza dare ravo kuti anoita chipfambi nekuda kwenzara achiti, “Murume wangu anondinyima zvekudya. Ini nevana tinorara nenzara, pamwe pacho tichisevesa sadza nesauti.”

Kwayedza yakaita hurukuro naMadzimai Mukwada — uyo akatobva kumurume uye ava kushanda basa remumba kuBorrowdale, muHarare — mukadzi uyu ndokutsinhira nyaya iyi.

“Ichokwadi, ndakashereketa nevarume ivava — vakawanda —asi ndinoda kuti vandiripe sezvo vakandiparadzira imba yangu.

“Murume wangu ndinomuda, imba yangu ndichiri kuida uye ndinokumbira ruregerero kumurume wangu – tine mwana tose. Handizive mweya wakandibata.

“Pane vakadzi vaviri vakandirova padare iri ndikaita mazuva ndichirwadziwa nemusoro, saka ndinoda kuti vakadzi ivavawo vandiripe. Kana ndiri ini hamheno chakandipinda,” anodaro mukadzi uyu.

Anoti asarirwa naamai vapenyu bedzi sezvo baba vake vakashaya.

Dare rasabhuku rinonzi rakapindwa nezvimwe zvikomba zvaMadzimai Mukwada, avo vanonzi vanoramba nyaya iyi zvisinei nekuti mukadzi uyu akavatsanangudza zviri pavari uye kwavanosangana.

Sabhuku Chitate vanoti murume wemukadzi uyu, Karikoga, ari kuramba kuripwa nezvikomba izvi achiti munamati.

Murume uyu anonzi akapa zvikomba izvi mukana wekuramba vachienderera mberi nekudanana nemudzimai wake apo akabvisa gupuro re$1 ndokugashidza Mukwada.

Padare iri panonzi hapana hama yemudzimai yakauya, kunyangwe vainge vadanwa.

Uyuwo Karikoga anoti ave kuda zvekuripwa nevarume vose vakadanana nemudzimai wake, kunyangwe zvazvo akambenge audza dare raSabhuku Chitate kuti haidi kuripwa.

“Mukadzi wangu akaita chipfambi tikaenda kudare ndikamuramba. Inyaya inorwadza, ndaimuitira zvose tikatenga chigayo chaiunza mari pamba kwete zvekuti anoti ndaimunyima zvekudya.

“Akataura oga vanhu vaaidanana navo inova nyaya yakabudira kugata achinzi ndiye akauraisa mwana wedu. Ndinoda kuripwa, varume vaidanana nemukadzi wangu vanogara vachindityisidzira,” anodaro.

Munyai akanoroora Mukwada, VaGodfrey Dadiwa (34), vanoti nyaya yakaitwa nemudzimai uyu inonyadzisa.

Mai Tamari Mandaza (48) avo vanogara mumusha uyu vanoti Mukwada anyadzisa madzimai nezvaakaita.

“Semadzimai, hatisati tamboona nyaya yakadai. Kana akanga asisade murume dai akamuramba pane kumuitira mashura akadai, amai ava vane shavi,” vanodaro.

Eneresi Alimu

Mudzimai wasabhuku, Mai Eneresi Alimu (52), vanoti mashura chaiwo kuti mudzimai akaroorwa anosanganisa varume vemusha wose.

“Dzimwe nguva amai ava vane mushonga wegondwa, nekuti hakuna murume anovaramba,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links