Odashurwa nasekuru

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Odashurwa nasekuru

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
Muzukuru akadhonzera sekuru vake kudare redzimhosva achiti aona nhamo nekugara achirikitwa apo anovanyima zvavanenge vamukumbira uye dzimwe nguva vanozotora zvinhu zvacho zveginya.

Bernard Zuze akataurira dare reHarare Civil Court kuti ashaiswa rugare nasekuru vake, Darlington Makumbi.

“Ndinoda gwaro rerunyararo kuti sekuru vangu ava vasandishungurudza. Ihanzvadzi yaamai vangu asi zvavanondiita zvinondirwadza. Hatigare tese asi pese pavanondiona vanoita mhirizhonga vachindirova nekundituka. Ndakatomboenda kumapurisa asi hapana zvazvakashanda, saka ndazouya kuno,” anodaro.

Zuze anoti sekuru vake vakamukumbira chinhu akarega kuvapa, vanomuzvambaradza kunge nyoka yapinda mumba.

“Sekuru ava vanoti ndikavanyima zvinhu zvavanenge vakumbira, vanondirova uye zvimwe vanotora nechisimba,” anodaro Zuze.

Makumbi haana kupikisana nechikumbiro chemuzukuru wake. Mutongi Nyasha Marufu akapa Zuze gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>