Uncategorized

Odonha honye achifamba

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Odonha honye achifamba Wiri Sogasa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inofungirwa kuti ine kushandisirwa mishonga yakaipa, mukomana wechidiki anoraramira mumigwagwa yemuguta reHarare ari kutsvaga rubatsiro rwekuti arapwe chirwere chaava nacho chekubuda honye kunhengo yake inorasa tsvina.

Anoti izvi zvakatanga mushure mekunge awirirana nemumwe muzvinabhizimisi wekuNigeria ane chitoro muHarare kuti amuite mudzimai ndokubhadharwa ne “glue” rekuti agozoputa.

Zvinofungirwa kuti murume wekuNigeria uyu akamusevenzesera mishonga inokuvadza.

Nemusi weChipiri svondo rapera, Wiri Sogasa (23), akauya kumahofisi eKwayedza kuzokumbira rubatsiro kune veruzhinji apo aitambura kana kugara pasi chaiko nekuda kwedenda raava naro iri.

Muviri wemukomana uyu uri kukanda hwema hunonhuhwa zvakanyanya.

“Ndiri kurwadziwa, handichakwanisa kufamba zvakanaka kana kugara pasi mushure mekunge ndaitwa mukadzi nemuNigerian pedyo nekuCopa Cabana kune bhesi redu ratinoti Easy Base,” anodaro mukomana uyu.

Musi waazoshanyira Kwayedza, anoti kwainge kwangodarika mazuva matatu izvi zvaitika.

Apa ainge atodzidziuka maronda ava kubuda honye.

“Akauya (murume wekuNigeria) nemotokari yake ndokunditi ndipinde mukati kuma10 dzehusiku. Akatanga andipa glue kuti ndipute uye kubva ipapo, ndakasara ndichingodonha honye, ndava nemaronda.

“Handizivi kuti isiki here kana kuti ndezvemishonga zvaakandiita,” anodaro Sogasa.

Sogasa haachagona kutaura zvakanaka sezvo achiita kunge ane rurimbo kana kuti ane rurimi rwakanamira zvichiita kuti atadze kududza mazwi zvakanaka.

Obvunzwa kuti akabarwa asinganyatsogona kutaura here, muchinda uyu anoti akagara achidura mazwi, asi nekuda kwekuti ave nemakore anodarika mashanu achigara mumigwagwa maanoputa glue, rurimi rwake rwaguma rwaremara.

“Kubva musi uyu, muNigerian uyu haana kuzodzoka, aiti ari kudzokera kunyika kwake asi ane chitoro chake kune Copa Cabana, ndinotopaziva.”

Sogasa anoti akatiza kumusha kwavo kuMvuma mushure mekunetsana nevabereki vake avo vaigara vachimurova.

Zvichakadai, ongororo yakaitwa nesangano reConsortium for Street Children munguva pfupi yadarika inoratidza kuti vanhu vari kuwanikwa vachimbunyikidza vana vanoraramira mumigwagwa vanosanganisira varume nevakadzi apo vanoshandisa simba remari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>