Uncategorized

Ofemeswa nechikwama cheraki

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Ofemeswa  nechikwama  cheraki

Kwayedza

CHIKWAMBO (1)MURUME wekuEpworth, muHarare, ari kuita “kuimba” chaiko achibuda pachena kuti atambura nemazwi aanonzwa munzveve dzake asi pasina vanhu vanenge vachitaura naye zvichitevera kurasa kwaakaita chikwama chaakapihwa neimwe hama yake yepedyo apo ainge onotsvaga basa kuSouth Africa.

Tatenda Chidhakwa (26) anoti muna Zvita gore radarika akafunga zvekuenda kunotsvaga basa kuSouth Africa ndokuudza hama yepedyo iyi (zita tinaro), iyo inogara kuChiredzi, nezverwendo rwake. Anoti hama iyi yakamupa chikwama ichiti chaizomubatsira kuti ave nemhanza yekuwana basa pamwe nemari.

Chidhakwa anoti akaenda kuDurban, kuSouth Africa, uye mushure memazuva maviri aveko, akawana basa rekutengesa mune chimwe chitoro chinoita nezvekuvakisa.

Anoti akagara kuDurban kwemwedzi mina ndokuzobvako ave kuita zvekutiza munaKurume wegore rino zvichitevera kuputika kwemhirizhonga yekurwisa “mabva kure” (xenophobia) yaive kuSouth Africa apo zvizvarwa zveko zvairova nekuuraya mamwe marudzi.

Chidhakwa anoti paaitiza bongozozo iri, ndipo pakadonha chikwama chake icho akange apihwa nehama yake iri kuZimbabwe.

Kubva zvaakadzoka kuSouth Africa, Chidhakwa anoti ari kugara achizvidya moyo achishaya kuti ozviburitsa sei kuhama yake kuti ndizvo zvakaitika uye ari kunzwa munzeve dzake mazwi akasiyana achimushevedza.

“Mwedzi yadarika iyi ndange ndichigara upenyu hwehunhapwa chaihwo nekuti ndanga ndichishaya kuti ndinobatsirikana sei padambudziko rangu,” Chidhakwa akadaro apo akauya kuzozvipira kuKwayedza.

“Nyaya yechikwama chandakapihwa na**** vangu ndiyo yandishaisa mufaro. Pandakaenda kuSA kunotsvaga basa harina kumbondinetsa nekuti ndakanga ndabatiswa chikwama na**** vangu icho vaiti chaindiitisa mhanza. Chikwama ichi vakati chaiita kuti ndisawirwe nedambudziko rekushayawo mari zvakare.

“Dambudziko rakazounzwa nenyaya ye“xenophobia” yakatsviriridza. Chikwama chiya chakadonha ndichitiza apo taitandaniswa.

“Ndakatizira kwaichengetedzwa vamwe vainge vatiza mhirizhonga iyi uko kwatakazokwira mabhazi aitidzosa kuno asi kubva ipapo handina kumbowana rugare, kungonzwa mazwi achitaura munzeve dzangu kuti dzoka uzonditora kwawakandisiya.

“Kutaura kuno **** vangu handisati ndavaudza kuti ndizvo zvakaitika uye ndanga ndiri kushaya kuti ndovazivisa sei nekuti vakandikomekedza kuti ndisarase chikwama chavo ndisati ndaenda. Izvozvi handizive kuti ndozvitaura sei,” akadaro.

Chidhakwa anoti akanopotera kwaamaiguru vake vanonzi Stella Nhike, avo vakazomuita kuti atsvage kubatsirwa kune imwe chechi yemuno.

“Maiguru vakandikurudzira kuti ndinobatsirwa. Ndave kutsvaga nzira yekuzivisa **** vangu kuti zvinhu zvavo zvakasara kuSouth Africa.

“Ndichatsvaga kwekupotera nako kuti shoko risvike kwavari bedzi,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey