Ofurufushwa ne‘small house’

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Ofurufushwa ne‘small house’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUMWE murume akachema-chema mudare achiti ari kutya kushandisirwa mishonga inokuvadza neaimbova shamwarikadzi yake sezvo achigara achimuudza mashoko anotyisa.

Zabeth Mavhudzi akamhan’arira Tinomuvonga Govere kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kuenda kumba kwake, kumutuka zvose nehama dzake. “Mukadzi uyu taimbofambidzana asi takazorambana nekuda kwekuti aiva nevamwe varume. Zvino ava kupota achindituka pose patasanga, nyangwe mubhawa. Anouya kumba kune mukadzi wangu nevana achivatukawo zvekuti vave kutya kugara voga pamba uye hama dzangu chaidzo dzanzwa nekutukwa,” anodaro Mavhudzi.

Anoenderera mberi achiti ave kutya nemashoko anotaurwa naGovere pamusoro peupenyu hwake. “Mamwe mashoko aanotaura ndinotyiswa nawo nekuti munhu anobata mishonga, ndinogona kukanganisirwa mudzimai wangu nevana kana hama dzangu,” anodaro. Govere anoti haapokane nechikumbiro chaMavhudzi nekuti haadi kudanana nemurume wemunhu uye haachinei neupenyu hwake.“Mupei henyu chikumbiro chake nekuti zvose zvaataura manyepo. Handidaro uye mazuva atakadanana akanditi akarambana nemudzimai saka ini zvekutora murume wemumwe handidi. Handisisina basa naye, mazuva ataidanana taigara tichinetsana,” anodaro. Mutongi Larzin Ncube akapa Mavhudzi gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey