Uncategorized

Oita tsvina ye’fish’

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Oita tsvina ye’fish’ Taurai Manyara - Mufananidzo naKingstone Mapupu

Kwayedza

‘Ndinotodziona muchemba’

Kingstone Mapupu
MURUME anogara kuGlenwood, kuEpworth, anoti atambura nekuita tsvina ine masahwa ehove izvo zvamusiya atsemuka tsemuka kunhengo yake inorasa tsvina.

Anoti mashura aya akatanga apo akanonyurura duwo risiri rake mudziva ndokudya hove dzainge dzabatwa.

Duwo mudziyo unogadzirwa netsanga kana kuti nemiti mitete uyo unosevenzeswa kubatisa hove murwizi kana mudhamu.

Kunze kwekuita tsvina ine masahwa, murume uyu anoti pakutanga aiti kana akaita tsvina muchimbuzi, aizoona muchemba muine hove mhenyu.

Taurai Manyara (30) anoti ave kuita tsvina yakangofanana neinoitwa nezvipuka zvinodya hove sembiti.

“Dambudziko iri rakatanga apo ndakabva kubasa nemusi wa5 Zvita gore rino ndikazoenda kunoisa duwo rangu kune rimwe dhamu rekuEpworth. Ndakarisiya rikararamo ndokuzoenda kuti ndinoriburitsa rechimangwana racho apo ndakanotora risiri rangu,” anodaro Manyara.

Anoti akanobura duwo iri ndokuwana muine hove dzemagwaya nomwe idzo akaenda nadzo kumba, ndokunodzipara nekudzifashaidza kuti dzisashate.

Akasiya hove dziya ndokuenda zvake kubasa.

“Ndakadzoka kubasa, ndakasvikobika hove dziya ndokudya nesadza ndoga sezvo mudzimai ari kumusha. Ndichingopedza kudya, ndakaita sendadirwa mvura, mudumbu ndokutanga kundirwadza ndichibva ndaenda kuchimbudzi uko ndakaburitsa hove mhenyu dzakadonhera muchemba,” anodaro.

Manyara anoti akanzwa kuda kuita tsvina kanokwana katatu panguva iyi achingoenda muchimbuzi umo ainoita yaaifunga kuti itsvina asi aizoona hove mhenyu dzichitofamba muchemba.

Anoti hove idzi aidziyeredza muchemba dzichitoenda.

Anotizve chakamushamisa ndechekuti aisambonzwa kunhuhwa kuti aita tsvina panguva yose iyi uye hove dzaanoti aiburitsa idzi magwaya akangofanana neayo aakatora muduwo akadya.

“Musi wandakadya hove idzi, mudumbu mangu makarara muchipisa apo ndakazonotarisa duwo ndikaona kuti raiva risiri rangu. Iri raiva nekashinda pazasi izvo zvakasiyana nerangu, ndikaziva kuti ndakadya hove dzemuridzi.

“Ndiri kuzviziva kuti ndakadya hove dzakagadzirwa nemuridzi weduwo iri.”

Manyara anoti akazotakura duwo iri ndokudzokera naro kudhamu uko akasvikowana rake ririmo, asi raingova negakanje risina hove.

Anoti zvakare akazotenderera munzvimbo iyi akatakura duwo raaiva atora riya achitsvaga muridzi waro asi akamushaya.

VaKandiyero

“Muridzi weduwo iri ndiri kumushaya, ndaenda kun’anga nekumaporofita ndichitsvaga rubatsiro asi hapana chiri kusanduka.

“Kusvika nazvino ndiri kuita tsvina ine masahwa ayo anondimara nekundibaya. Kuzasi kwangu kwapera kubaiwa nekutsemuka. Handichakwanisa kugara, ndave kutogara ndakaisa jira kunorasa tsvina sezvo kuchibuda ropa nguva dzose,” anodaro.

Manyara anotiwo mudumbu make mave kugara muchibaya pasi peguvhu sezvinoita kubaiwa nemasahwa.

Anoti haasati audza mudzimai wake kana hama nyaya iyi.

“Kwese kwandinonozvitsvaga ndiri kunzi runyoka, ndakatora hove muduwo rakagadzirwa. Saka ndiri kutsvaga muridzi weduwo iri kuti nditaure naye ndimuripe.

“Ndakatora hove idzi nekusaziva sezvo nzvimbo dzacho dzaingova pedyo nepedyo nepandakaisa rangu.”

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumurume uyu, mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti Manyara anogona kunge akagadzirwa nemuridzi wehove dzaakadya.

“Inyaya iri pachena, murume uyu akatora duwo rakaiswa rukwa raishandiswa kuchengetedza hove dzemuridzi. Saka kuburitsa masahwa uku kuchaguma kwamuuraya. Anofanirwa kutsvaga muridzi weduwo iri votaurirana kana vachiripana voita saizvozvo,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoda kubatsira murume uyu vanomubata panhamba dzinoti 0773 106 522.

 

Share This:

Sponsored Links