Okiira mukadzi chimbuzi

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Okiira mukadzi chimbuzi

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUMWE mudzimai anoti ari kuoneswa ndondo nemurume wake uyo anosvika pakumukiira chimbuzi chavo, zvichiita kuti agume onozvibatsira kuchimbuzi chavavakidzani vavo.

Daphine Mteweri akamhan’arira Nesbert Matanhanha kuHarare Civil Court achiti anogara achimurova.

“Murume wangu anondituka pose paanenge akazvifunga zvekuti anopedzesera andirova. Akangozvifunga, anosiya akiya dzimba zvekuti ndinotoshaya zvekudya.

“Kana chimbuzi chaicho, ndinotozokumbira padzimba dziri pedyo nekuti anenge akachikiya musuwo,” anodaro Mteweri.

Anoenderera mberi achiti musi waakanotora magwaro ekuti murume wake auye kudare, akarariswa nenzara panze.

“Musi wandakaita magwaro ekuti tiuye kuno, ndainge ndatorariswa panze andinyima zvekudya saka ndinokumbirawo kudzivirirwa, ndaneta nekushungurudzwa,” anodaro.

Matanhanha anopikisana nechikumbiro chemudzimai wake achiti zvose zvaari kutaura inhema.

“Chikumbiro chake ndinopokana nacho nekuti zvaari kundipomera ndezvekunyepa. Iye ane makiyi ake, ini ndine angu nekuti ndiri gadhi saka ndinoshanda husiku. Zvekuti anorara nenzara kuda kwake, ini ndinenge ndisipo uye handisati ndambomudzinga pamba,” anodaro Matanhanha.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mteweri gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey