Uncategorized

Okinditswa nemukadzi wemapoto

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa—

MURUME wekudhonzera shamwarikadzi yake yemapoto kudare achiti iri kugara ichimurova nekumutuka akazoshaya pekupinda zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chake.

Silindeni Mpofu akamhan’arira Lizzy Mutare kuHarare Civil Court achiti anouya kubasa kwake achimushungurudza.

“Changamire, ndauyawo pano nemukadzi uyu, ishamwarikadzi yangu asi andishungurudza. Anouya kubasa kwangu achituka vandinoshanda navo zvinova zvakaita kuti tizodzingwa patinoshandira. Handidi kumuona pabasa pangu uye ndinoda kuti abve pamba pataigara tese nekuti ndini muchengeti ipapo,” anodaro.

Anoti Mutare akatombomurova uye anomubira mari.

“Mukadzi uyu akandidzinga pamba achiti ndikaramba ndiripo achandikuvadza uye akatombondirova akasungwa nemapurisa akazoregedzwa nekuti ane nhumbu. Akaba futi $360 yangu, ndoda kuti aidzose,” anodaro Mpofu.

Mutare anopikisana nechikumbiro chaMpofu chekuti apihwe gwaro redziviriro.

“Uyu murume wangu nyangwe tichichaya hedu mapoto sezvo asina kundiroora. Handimushungurudze, nyaya iri pakuti akatiza kumba uye ava kugara neshamwarikadzi yake. Haana kana hembe yemwana yaakatenga uye ndikamubvunza anoti ndamutuka,” anodaro Mutare.

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaMpofu achiti haana kupa umboo hwakakwana.

Share This:

Sponsored Links