Uncategorized

OneMoney yorerutsira veruzhinji

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
OneMoney  yorerutsira  veruzhinji

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
KAMBANI yeNetOne iri kurumbidzwa zvikuru nekuunza kwayakaita chirongwa cheOneMoney, icho chinorerutsira veruzhinji kuti vakwanise kutumira kana kutumirwa mari vachikwanisa kutenga zvavanoda nyore vachishandisa nharembozha.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi muHarare nemusi weChitatu wadarika, gurukota reposvo nedzinhare, Cde Supa Mandiwanzira, vanoti OneMoney inofambirana nenguva uye nekusanduka kuri kuita nzira dzekufambiswa kwemari pas rose.

“Itarisiro yedu sebazi reposvo nedzinhare kuti chirongwa cheOneMoney chicharerutsira veruzhinji kana tichitarisa zvekufambiswa kwemari, kutenga zvakasiyana nekusimudzira upfumi hwenyika,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “SeHurumende, tinorumbidza NetOne nekuzvipira kwayakaita mukutora danho iri. Ndinokurudzira vakuru veNetOne kuti vaone kuti chirongwa ichi chatekesherawo kumaruwa nedzimwe nzvimbo kuitira kuti vagari veko vabatsiri  kane.”

Vakafanobata chigaro chachamangwiza weNet- One – VaBrain Mutandiro – vanoti hazvina kuva nyore kuti vatange chirongwa ichi.

“Rwendo rwekuti tive nechirongwa ichi rwakange rwusiri nyore. Zimbabwe ndinoti kwamuri tinotenda nekuve nemoyo murefu, chirongwa cheOneMoney chavepo nechinangwa chekuti kufambiswa kwemari kunge kuchikurerukirai. Kadhi redu redebit card rinopa mukana kumakasitoma edu ane OneMoney debit card kuti vakwanise kubhadhara mari vachishandisa michina yeZimSwitch POS,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links