Ongororo yebvunzo

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
KANA vanhu vambenge vachipishana nekurigana nemavhinga munguva yeZhizha, vanozopinda munguva iya yavanozorora nekusaruka vachidya zvavakarima nekukohwa. Asi vaya vanenge vasina kukohwa pakuru kana kurima zvakasimba vanenge vachingozvidya moyo nekufunga kuti ramangwana richafanba sei.

Ndizvo zvakafanana nevana vakanyora bvunzo dzegwaro rechinomwe avo vamirira goho ravo rezvavakanyora.

Vaya vange vakaita gadziriro dzakakwana, vakatodekara havo sezvo vachiziva kuti chero zvodini, goho ravo richange rakanaka.

Zvino kune vamwe vaibata zinyekenyeke, avo vanoramba vachirangarira zviya zvisina kumira zvakanaka.

Pamazuva ekumirira goho kana shamwari chaidzo dzinosanduka kutya kuzobvunzwa kuti zvakabuda musarudzo zvakamira sei.

Kurwa kwatakaita mubvunzo dzedu ndiko kuchanongedzera zvikoro zvatichaenda uye kana nzira yeupenyu yatichatora inobuda pachauya zvichabuda mubvunzo idzi.

Vamwe vachaenda kuzvikoro zvemandiriri kubudikidza nekupasa asi vamwe vachaenda kuya kunonzi kukireshi dzevakuru, uko vanonovaraidza nguva vachikura havo vachimirira kuzoita vana saimba.

Zvinodzimba moyo kana totaura asi chokwadi ndicho chekuti Zimbabwe inoda vana vakadzidza, chero zvazvo ukazokundikana kuva mukati menyanzvi dzepamusoro unenge uine pekutangira. Vakuru vanoti kurembera kuri nani pane kudonha.

Zimbabwe inopa vanhu mukana wekushandisa mawoko asiwo mawoko aya anoda achibatsirwawo neruzivo rwunobva mumagwaro atinodzidza.

Rwendo rwuno tati timboongorora mapepa akabva mukunyorwa kuti tigoona kuti zvii chaizvo zvataivhiringidza kana kugona apo tainyora.

Ndinotanga nepepa repiri iro rinova rerondedzero nenzwisiso.

Mutemo wenzwisiso unoti mwana anofanirwa kunyora chinyorwa chine mazwi anosvika zana namakumi maviri (120words).

Chero mwana akasarudza iri tsamba, mutumbi wacho ndiwo unofanirwa kusvika mazwi zana nemakumi maviri.

Zvoreva kuti kero kunoenda tsamba nezita remunyori hazviverengwi pamazwi akatarwa.

Ndipo pamwe panotangira mhosho dzevana ipapo apo vanobva vanyora zviri kure nemwero wakatarwa apo zvinogona kuita zvidikidiki kana kuita murabaraba usina maturo.

Misoro yerondedzero yanga iri mishanu nekudaro mukana wekunyatsosarudza zvawakadziidzira wanga uripo.

Wekutanga waida kuti mwana anyore pamusoro pezuva raakafarisisa muupenyu hwake nokudaro mukana wekurudunura nekuita madanha nemutauro wanga wakakurisa.

Zvirungamutauro zvinotsigira kufarisisa igumi nefararira zvekuti vakwenyi vachanzwiririra.

Ndipo patinonzwa zvekudambuka makumbo kunge gurwe, zvekutamba mbakumba kweropa mutsinga uye kubvarapfata sedzvatsvatsva.

Changa chichidiwa apa kubvisa mukwenyi webasa kubva mudenga rake kwava kumukanda mudenga rizere nekutubwira nemafaro makuru.

Musoro wepiri wanga uri wetsanba isiri yebasa iyo yaingoda kugona kutevedzera zvataurwa namazvo.

Kana watanga nekugona kero yako watova mugiya dzvuku nekuti tsamba iyi ndeye kudonongodza twese twuri kunetsa nekutarisirwa kunetsa muupenyu twaida kuunganidzwa.

Kungava kunetseka nekushaya mari yechikoro chaiko uye zvekupfeka zvinodiwa kuchikoro. Pakadaro nhaurwa yemabhuku anodiwa, uye pekuverengera pasina ruzha.

Mazuva ano dzidzo yepazororo yave kuitwa asi ichibhadharwa nekudaro unenge uchidawo kubatana nevamwe nekudaro unoda rubatsiro.

Apa zvakawanda zvaibuda. Regai timbotura befu tigosimudzira nepepa redu musvondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey