Ongororo yebvunzo

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

TABVAMO muchakasara umo tanga tiri kupishana nepfungwa tichiedza kubidinura zvose zvatakadzidza kuti tizviise papepa tigowana goho rakakura.Zvimwe zvinyorwa zvanga zvakapfava chose asi vaive vasina kugadzirira vakava nematambudziko mukuedza kupindura mibvunzo.

Bepa redu rechiShona ranga rakanaka chose uye rakatipa chidzidzo chimwe chete.  Chandakadzidza ndechekuti pepa iri raida vana vanogona kuverenga nekupindura mibvunzo yenzwisiso. Ndinodaro nekuti pamibvunzo makumi mana, makumi maviri nemishanu yaive yenzwisiso. Zvoreva kuti gumi neshanu yaiva yemutauro.

Izvi zvinodudza kuti tinofanirwa kuwanza kuverenga nekuita nzwisiso kuti zvigotiitira nyore. Ngatirangarirei zvakare kuti pepa repiri rinenge riine nzwisiso yakakosha zvakare apo vana vanotarisirwa kupindura nemashoko avo uye vachiisa shongedzo dzakakodzera.

Chakakosha kuziva kuti vana vanoda kutora nguva huru vachiverenga nekuita nzwisiso.

Pepa irori zvakare rakaburitsa kusagona chiShona chamandorokwati kwevana nekuti rudende rwakatambudzika nemubvunzo waida sungawirirano yamanzwi. Vana vazhinji vabuda mubvunzo, vaiti vanyora kuti “shangu dzake dzitsvuku” uye vakange vakatogutsikana nekuda kwekuti ndiwo matauriro avanoita kumba. Mhinduro yaida kuti “shangu dzake itsvuku”.

Tinoda kurangarira kuti zvidzidzo zvechikoro chepasi (primary) ndizvo zvinovaka hwaro hwedzidzo yepamusoro (secondary). Zvakadaro, mwana anofanirwa kubva pasi achidzidza zvinhu zvemandorokwati.

Vana vazhinji vanotaura kuti, “Amai vangu vakanga vakapfeka rokwe richena” kana kuti “rokwe rijena”. Vanonyora zvakare kuti, “Svutu itema” kana kuti “svutu tema”.

ChiShona chamandorokwati chinoti, “Amai vangu vakanga vakapfeka rokwe jena, baba vakapfekawo svutu tema”. ChiShona chinotizve, “Amai vangu vakanga vakapfeka rokwe jena, baba vakapfeka svutu nhema”.

Mhosho idzi hadzigumiri ipapo chete. Vana vanoenda mberi vachirasika pamashoko anopinza miti mukati. Zvinyorwa zvizhinji zvinenge zvakanzi, “Pamusha pedu pane miti dzakawanda”. ChiShona chakanaka chinoti, “Pamusha pedu pane miti yakawanda.” Akawana mbambaira “nhete” kwete kuti “dzitete”. Tinoti misha yekwedu kwete misha dzekwedu.

Pepa irori rakaburitsa zvakare kuti tinofanirwa kuziva mazwi anoreva zvakafanana kana kuti chinhu chimwe chete. Ndaifunga kuti zviri nyore kunongedza izwi rinoreva zvakafanana narukweza asi wainzwa vamwe vana vachitoshamisika.

Zvinoreva kuti tinofanira kuverenga zvakawanda tichinzwa matauriro anoitwa nekudanwa mazwi mune dzimwe nzvimbo. Tingada kushandisa muenzaniso wekuti kune dzimwe nzvimbo kamba (tortoise) inonzi goko, mumanga uchinzi muboora kana mutikiti. Manhanga ndiwo zvakare matikiti.

Pamazwi anopesana vana havana kuva nedambudziko asi hazvirevi kuti hazvichaverengwa kana kuti zvakapfava zvinodawo kupihwa nguva yazvo chero toenda kuchikoro chepamusoro chero nepatinotaura pachedu.

Zvisinei hazvo, pepa rakauya risina tsumo nemadimikira sezvataitarisira asi zvose izvi zvinodiwawo mupepa repiri apo tinonyora rondedzero.

Share This:

Sponsored Links