Uncategorized

Ony’ura makumbo mudumbu

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Ony’ura makumbo mudumbu

Kwayedza

MUNYAYA inoita kunge firimu asi iri yechokwadi, mukadzi wekuDomboshava ane dambudziko rakakomba — anorwara makumbo ake achiny’ura mudumbu zvekusvika mumabvi, ozobuda mushure mekunge arwadziwa zvakanyanyisa.Kana zvakakwidza, makumbo aMai Hilda Musasa (40) vemubhuku raChirombo, kwaChinamhora, anokwira kusvika kumusana.

Nyaya iri kuitika kumukadzi ane murume nevana vatatu uyu inofungidzirwa kuti ine chekuita nemabasa ehuroyi.

Mukadzi uyu akawanikwa neKwayedza nemusi weChipiri svondo rino achipepwa ari kumba kwemunyambiri wake, Joyce Musasa (40), uyowo akaroorwa naStory Makaza (39) mumusha mumwe chete uyu.

Hilda — uyo asisagone kumuka kana kufamba — anoti dambudziko rake rakatanga mumwedzi waNyamavhuvhu gore rapera apo akangotanga kurwadziwa nemakumbo.

Anoti makumbo ake anopisa kuita seari mumoto kana kuti murufuse. Ndipo paanotanga kuny’ura mudumbu, izvo zvinongoitika panguva yazvada.

“Dambudziko rangu rakatanga gore rakapera apo makumbo angu akangotanga kurwadza zvikuru ndichigara nemurume wangu, Moses Tayanhehwe, uyo wandagara naye kwemakore 19. Zvakangotanga ndichiti ndikadya ndorutsa ndichipera simba.

“Ndakaenda kumakiriniki nekuchipatara, ndikazovhiiwa kaviri ndichinzi matumbu angu ainge akamonana. Asi zvakazonyanya nekuny’ura kunoita makumbo angu mudumbu.

“Iri idambudziko risingakwanise kutsanangurwa kuchipatara, kukiriniki nekwachiremba kwandinoenda. Makumbo anony’ura mudumbu mangu apo anosvikondirova mbabvu nemwoyo zvandinotonzwa,” anodaro Hilda muhurukuro yakaitwa arere.

Mudzimai uyu anoti makumbo ake anopinda mudumbu apo anoita sekunge anosundidzirwa nesimba mudumbu make nechinhu kana kuti nevanhu.

“Kana zvatanga, makumbo aya anodhonzeka kudzokera mudumbu ndichitoanzwa nekuona achinoguma mbabvu dzangu. Pamwe pacho anodzokera kumusana.

“Handizive kuti uku kuroyiwa here kana kuti chii, asi handina munhu wandingati ndakakanganisira zvekusvika pakuzondidai. Murume wangu anotaura zvakawanda achiti ingozi yekumusha kwangu kana kuti ndakaroyiwa kwandinobva kuZaka, kuMasvingo,” anodaro.

Anoti apererwa nekuda kwedambudziko iro rinotanga pose-pose richizopera roga.

“Kuzvipatara nyaya yekuny’ura kwemakumbo haitaurwe, ndiri kunzi nditariswe kuti handina gomarara here uye ndine zamu rekuruboshwe rinobuda mukaka roga izvo zvinondishamisa. Zamu iri rinogara rakazvimba richirwadza.”

Vana vemukadzi uyu vanonzi vanga vachichengetwa nemwanasikana wake ane makore 15 okuberekwa sezvo murume wake achinzi haachatora hany’a naye nekuda kwekurwara.

Sezvo achigara arere, Hilda ave nemaronda muviri wake wose ayo anoda kugara achigezwa nekurapwa.

Mwanasikana uyu anotsinhira nyaya yemakumbo aamai vake.

“Tinonzwa nekuchema vachiti makumbo ave kurwadza, ipapo anobva atanga kudzokera mukati achiny’ura mudumbu apo vanoomesa muviri wavo wose. Makumbo avo anony’ura kusvika mumabvi kosara tsapfu netsoka, zvidya zvose zvaenda.

“Anogona kutora nguva ingaite sekubva makuseni kusvika masikati apo anozongobuda oga zvine chisimba,” anodaro mwanasikana waHilda uyu.

Kun’anga nekumaporofita kunofamba mhuri iyi vanoti vanoudzwa kuti izvi zviri kukonzerwa nekuroyiwa. Kuchipatara vanoti hapana chinoonekwa.

VaMakaza vanotaurawo nezvekuny’ura kwemakumbo emuramu wavo vachiti vashaya zvekuita nemashura aya.

“Kuzvipatara kunonzi kuri kudiwa mari ingangoita $200 kusvika $500 yekuti vanotariswa gomarara iro rinofungidzirwa kuti ndiro riri kukonzeresa izvi. Matsamba atiinawo ekuSocial Welfare vanoti ari kurambwa achinzi tinofanirwa kubhadhara imwe mari,” vanodaro.

Vanotizve pane kurudziro yekuti muramu wavo aende kunotariswa nemachiremba anove vanamazvikokota vekuongororora utano hwemabhonzo.

Muvakidzani wemhuri iyi, Stembinkosi Dhloko (43), anoti ndivo vanogezesa nekuvapa Hilda kudya nekubatsira pakutenga mishonga.

“Dambudziko guru ravapo imari, kubvira kune yekuenda kuchipatara neyekutenga chikafu neyekuti vana vaende kuzvikoro — vose vari vatatu. Apa vanodawo mari yerendi sezvo vachiroja kuno kumusha.

“Mudzimai uyu aishanda asi izvozvi haachakwanisa nekurwara uku.

‘‘Ukuwo murume wake anongoita zvekudhakwa achingotiza pamba,” vanodaro.

Nomsa Mashaire (32), uyo anovawo muvakidzani wemhuri iyi, anoti dai kwawanikwa vanobatsira kuchivanhu nekumaporofita uye nemari yekuti Hilda anovhenekwa zvakare kuchipatara.

“Vana vakagara pamba nekushaya mari yechikoro, mukuru akagumira Fomu 2, wepakati ane makore 12 nemudiki ane makore 9. Vose havasi kuenda kuchikoro nekuti pari kudiwa mari,” anodaro.

Sharon Makaza (18) — uyo anova mwana wemunin’ina waHilda — anotiwo vari kuedza kubatsirana nevamwe kuti mari yekurapisa amaiguru vake iwanikwe.

VaCallisto Tichaona Chiuta (62) avo vanogarawo mumusha uyu vanoti mukurarama kwavo havana kumbobvira vakaona dambudziko rakadai.

“Ndakataurirwa nezvehurwere uhwu ndikazozivisa sabhuku wedu, VaAlexio Chirombo, nezvazvo. Zvinoshamisa kuti makumbo emunhu anony’ura mudumbu.

“Imwe nhamo yatava nayo nderemurume wemudzimai uyu, uyo ave kutiza pamba. Izvozvi tamutaurira kuti muri kuuya (kureva vatori venhau) akabva atiza,” vanodaro.

Hilda anonzi anombowanawo rubatsiro kubva kumachechi emunzvimbo iyi.

Mukadzi uyu anobva kwaGwangwava, kuZaka, kuMasvingo, uye anoti vabereki vake vose vakafa —angosara iye nemunyambiri wake nanasekuru, hanzvadzi dzaamai.

Pakashanyirwa Hilda neKwayedza, murume wake haana kuonekwa uyo anonzi akanga afanotiza vatori venhau achiti aisada kuvaona uye nhare yake yakaramba.

 

Kune vanoda kubatsira Hilda vanoridza nhare dzinoti 0771 183 429 kana 0771 005 048.

 

 

Share This:

Sponsored Links