Opfimba akabata banga

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu

MUMWE mudzimai anoti aoneswa pfumvu nemurume muvakidzani wake uyo ari kumupfimba uye kana amuramba anomurova kana kumutyisidzira nebanga.

Grace Saora akaendesa Tafadzwa Conformer kuHarare Civil Court achida gwaro rinomudzivirira.

“Anoshanda nemurume wangu, saka anoziva kunenge kuine murume wangu nekudaro anomusiya kubhawa, iye ouya kumba achindishungurudza nekutaura mashoko erudo kwandiri. Ndikamuramba anotanga kundituka nekundirova,” anodaro.

Saora anoti iye nemurume wake vanogara paimba yekambani pamwe chete naConformer.

Anoti Conformer anomutevera kwaanoenda achimutyisidzira nebanga.

“Anonditevera kwandinenge ndiri, kunyangwe ndikaenda kunosuka ndiro panze, anouya achindityisidzira nebanga zvekuti rimwe zuva ndakazoribata ndikachekwa maoko tave kurwisana,” anodaro Saora.

Anoenderera mberi achiti rimwe dambudziko riripo nderekuti vanoshandisa magetsi pamwe chete naConformer asi kana apera, iye haadi kutenga mamwe.

“Muridzi wekambani anotitengera magetsi emwedzi wose asi haapedze mwedzi nekuti anenge ashandisa pakuweredha masimbi ake asinei nekubasa. Kuti atenge mamwe haadi, anoda kuti tibatsirane uye tikaramba anotidzimira magetsi. Anozoti pose paasangana neni kana ndichida kubika nemagetsi, ndinofanirwa kuita mukadzi wake asi iye ane vakadzi vake vaviri,” anodaro Saora.

Conformer anoti magetsi anodzima nekuti anenge ashandisa mari yake mukuatenga.

“Muridzi wekambani anotipa magetsi emasvondo maviri pamwedzi, saka uyu nemurume wake havadi kutenga ekupedzesa mwedzi. Ndizvo zvinoita kuti ndivadzimire nekuti havangashandise magetsi avasina kutenga,” anodaro Conformer.

Anoti zvinotaurwa naSaora zvekuti ari kumupfimba manyepo.

“Zvimwe zvose zvaataura manyepo, kana ndichiweredha zvinenge zviri zvekambani uye muridzi wekambani anenge atenga magetsi. Izvo zvekuvapfimba ndezvekunyepa,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akarasa chikumbiro chaSaora achiti aunza chikumbiro chisiricho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey