Opindira amai varere … ‘Ichokwadi, ndine marambadoro’

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MWANAKOMANA wekuti kana adhakwa anotanga kuita mhirizhonga naamai vake opinda mumba mavanorara achivadzingirira husiku izvo zvinoita kuti vazorara kuvavakidzani anoti izvi zvinokonzerwa nemarambadoro.

Gladys Madara akaendesa mwana wake, Tatenda Chataurwa, kudare reHarare Civil Court achiti anomushungurudza nekumupindira mumba arere pamwe nekupwanya midziyo yake.

“Changamire, ndinonetswa nemwana uyu, akangodhakwa bedzi ndinototiza pamba nekuti zvaanenge oita ndinenge ndava kumutya. Anotanga kuputsa midziyo yangu kana magonhi anotema-tema zvekuti ndinototizira mumba mandinorara. Asi akazviona, anondivhurira ndirimo uye ndinotozopona nekutizira kuvavakidzani uko kwandinozorara,” vanodaro amai ava.

Vanoenderera mberi vachiti Chawataurwa anosvika kumba pakati pehusiku otanga kuvashungurudza.

“Anouya pakati pehusiku otanga kuita hunhu hwake hwekundishungurudza zvekuti vavakidzani vanenge vave kutoitirwawo ruzha.”

Chataurwa anotsinhira zvose zvinotaurwa naamai vake uye anokumbira ruregerero.

“Zvavataura zvose ndezvechokwadi, kana ndakadhakwa ndizvo zvandinoita. Asi ndiri kutokumbirawo ruregerero kuna amai vangu, idoro rinondipa kudaro,” anodaro Chataurwa.

Mutongi Larzin Ncube akapa Madara gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey