Oramba kuchengeta mwana akarema

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
VANHU vaive mudare vakaoma mate mukanwa apo mumwe mukadzi akati murume wake akamutiza achimusiya nemwana wavo uyo akaremara mitezo ane makore 18 okuberekwa asi asingakwanise kana kuzviitira chii zvacho.

Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Alice Ndarami Muropa akamhan’arira murume wake, Mubaiwa Karonga, achida kuti abhadhare $500 yekuchengeta mwana uyu.

“Changamire, murume uyu ari kuramba kubhadhara mari yemendenenzi nekuda kwekuti mwana akazvarwa akaremara. Ava nemakore 18 okuberekwa asi haakwanisi kushanda, kufamba, kumuka kana kutamba sezvinoita vamwe vezera rake uye chirwere chake hachirapike.

“Anorarama nekuitirwa kungava kugeza, kudya kana kumuka. Nguva zhinji anozvinyangadza ndichimubvisa ndini uye ndinotomupfekedza manapukeni,” akadaro Muropa.

“Kuriritira mwana uyu kuri kundiomera zvekuti handikwanisi kuenda kubasa sezvo achida kugara achitariswa. Mwana uyu anoda ma’pamper’, majekiseni, mapiritsi, sipo yekuwachisa magumbeze ake zvose nejiki. Zvose izvi zvinoda $350 pamwedzi.

“Zvakaoma kuti ndisiire mwana uyu mumwe munhu ini ndichienda kubasa nekuti ndinogona kuwana atizwa, nekudaro ndinoda mari yakawanda.”

Akaudza dare kuti kubva mugore ra2005 Mubaiwa airamba kumupa mari yekuti ariritire mwana wavo.

“Rimwezve dambudziko ndere kuti anondivanzira kwaanoshanda, haadi kundibudira pachena. Anotora kunge inini ndakaita mhosva yekubereka mwana akaremara achiita sekunge achandiramwira mwana iyeyu nekuti chirema panzvimbo yekuti tionerane pamwe. Handizivi kuti kubereka chirema imhosva here?” akadaro.

Achipawo divi rake, Mubaiwa akati pari zvino ari kugara kumusha, haawani mari yakawanda asi pagore anogona kuwana $500 kubudikidza nekurima.

“Ini ndinotovawo murimi anozvitamburira, anogara kumaruzevha. Mari yaataura yose iyi ndingainhonga pai muchindionawo vedare? Ndinokwanisa kumupa $15 chete nekuti kurima kwandinoita pagore rose ndinongowana $500 bedzi,” akadaro Mubaiwa.

“Ndoona sekuti amai ava vari kupedza nguva yavo kuuya kuno kudare nekuti mwana adarika makore 18 okuberekwa haachabhadharirwi mendenenzi. Izvi zvinhu zvinoda kuti titaure tiri kumba kwete kuno kudare sezvo makore emwana adarika evana vanobhadharirwa mendenenzi,” akadaro.

Mutongi Ruth Kamangira Samukange akati nyaya iyi yaizodzoka mudare zvakare mushure mekunge Muropa aunza magwaro anoratidza kuti mwana wavo ane makore anodarika gumi nemasere asi achiri kuda kuriritirwa nekuda kwehurwere.

Share This:

Sponsored Links