O’Reilly otamba nhova

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
O’Reilly otamba nhova Michael O’Reilly

Kwayedza

MUTAMBI wetsiva wekuIreland weboka reamateur – Michael O’Reilly – akatemerwa chirango chekuti asakwikwidze mumutambo uyu kwemakore mana zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekutora zvinodhaka mumuviri zvisingatenderwe mutambo we2016 Olympic Games usati watanga.

O’Reilly, uyo anokwikwidza muboka remiddleweight, akaonekwa kuti aishandisa mushonga wemethandienone uye ainge amiswa kukwikwidza pazuva iro raiitwa draw remitambo yacho.

Mutambi uyu achatemerwa zvirango zvichasvika muna2020 uye akambohwina menduru yegoridhe kumitambo yeEuropean Games pamwe neyebhuronzi ku2015 World Championships kuDoha.

O’Reilley akachema-chema kuti adzikisirwe chirango chaainge apihwa uye akashandisa sangano reSport Ireland kuti rimumirire achiti mhosva iyi haana kuipara nekuziva.

Nyaya yake yakapedzisira kuongororwa muna Zvita 2017 uye boka reIrish Anti-Doping Disciplinary Panel rakazivisa kuti chirango chaakapihwa chicharamba chakamira.

Chinyorwa chakatumirwa sesangano iri chinoti, “Boka rinoongorora nyaya iyi rakawirirana kuti O’Reilly haana kuburitsa pachena kuti kubatwa kwaakaitwa nemhosva kwange kuri pachena here kana kuti akazviitisa.” – Sky Sports News

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>