Orohwa nemukadzi natezvara

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MURUME wekuti anogara achida kudashurwa kurohwa neaimbove mudzimai wake achibatsirana nehanzvadzi dzake akazopotera kudare redzimhosva.

Ngonidzashe Chiyambo akaudza dare reHarare Civil Court kuti ari kuoneswa pfumvu nekushungurudzwa naPriscilla Banesa nehanzvadzi dzake.

“Uyu aimbova mudzimai wangu asi takarambana nekuti aiita zvezvikomba. Ndikaoona kuti handingakwanise kugara naye zvino ava kuramba achiuya kumba kwangu achiti anoda vana asi dare rakandipa mvumo yekugara nevana,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti ava kutyira upenyu hwake nehwevana sezvo Banesa achienda kumba kwake aine hanzvadzi dzake vachida kumurwisa.

“Ari kuuya nehanzvadzi dzake vachida kundirwisa saka ndava kutyira upenyu hwangu nehwevana kuti pamwe vangavabe. Kana achida kuona vana ngaaende kumba kwaamai vangu onovaonera ikoko uye zvekuti ari kuda kudzoka kumba izvo ndezvake. Ari kuda kudzoka kumba kwaani iye achiita zvezvikomba?” anodaro Chiyambo.

Banesa anoti zvose zvinotaurwa manyepo, iye haaite zvezvikomba asi kuti Chiyambo ndiye ava nemumwe mukadzi.

“Anonyepa uyu, handiite zvezvikomba. Iye ndiye atori nemumwe mukadzi waari kugara naye saka haachada kuti ndione vana vangu,” anodaro.

Anoti Chiyambo anochengera zvakanyanya izvo zvakazokonzera kuti afungire kuti ane zvikomba achimudzinga pamba akabata banga.

“Anochengera zvisingaite, ndizvo zvakaita kuti azofunga kuti ndiri kuita zvezvikomba achibva andidzinga mumba akandibatira banga. Asi kunyangwe zvakadaro, ndinoda kudzokera kumba kwangu naye,” anodaro Banesa Mutongi Nyasha Marufu akapa Chiyambo gwaro rerunyararo asi ndokuti Banesa ane mvumo yekunoona vana uye achizviita murunyararo.

Share This:

Sponsored Links