Oroverwa kubuda ‘Roma’ achinonamata kumasowe

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

NYAYA yekusiya kunamata chechi yeRoman Catholic nekuda kuenda kumasowe yakaparira mumwe mukadzi uyo anoti anogara achidashurwa nemurume wake uyo waanoti ane marambadoro.
Cecilia Mashapure akaendesa Dhufu Mashapure kudare reHarare Civil Court achiti anzwa nekuzvindikitwa pamwe nekutukirirwa nenyaya yekuenda kwake kumasowe.

“Changamire, nababa ava tine vana vatatu, mumwe atova kumurume asi hapana kana chaanoitirawo vana sababa mumba. Basa nderekunwa hwahwa zvekutadza kana kuona kuti kunze kunei.

“Vana vaviri vasara vaifanira kunge vari muForm 1 asi akaramba kuvaendesa kuchikoro achiti vanasikana. Mari anoibata chaizvo asi inoperera kuhwahwa,” akadaro Cecilia.

“Imwe nyaya iri kunetsa ndeyekuti ndava kuenda kunonamata kumasowe uye handimborega kuendako nekuda kwekuti ndiko kwandakaponera pandakarwara. Anoti ndiri kuita chipfambi kumasowe asi dai zvaibvira aimbouya oona kuti kunenge kuchiitwei kwete kufungidzira.

“Pamba paanondidzinga takapihwa nevabereki vangu. Anondidzinga nekutovatuka asi ndinofunga kuti anofanira kupedzera shungu kwandiri,” akadaro.

Dhufu akaramba kuti ari kushungurudza mukadzi wake achiti:

“Amai ava handivashungurudze asi kuti ndakarwadziwa nekuenda kwavo kunopinda masowe vasina kunditaurirawo sababa vemusha mushure mekunge tapinda Roma kwemakore 18 ndaroorana navo. Ndakazongoona vachiuya kumba vakandigumbukira izvo hameno zvavakanga vaudzwa ikoko.

“Dzimwe nguva vanoita svondo vasipo, pavanodzoka voti vakanga vaenda kugomo kunonamata asi vanenge vaenda vasina kundiudza.

“Nenyaya yekuti kuchechi kwavo ikoko vanoudzwa kuti maRoma ma’Satanist’, . . . kuita mwedzi mitanhatu pasina nyaya zvekuti ndingadai ndakavabvisa zino asi handina nekuti ndaiedza kuchengetedza runyararo. Nyaya yekuchechi iyoyi yakatombondirovesa nekutukwa nemadzitezvara angu mushure mekunge anovaudza kuti ndiri kumurambidza kuenda ikoko.”

Mutongi Audrey Tarugarira akarasa chikumbiro chaCecilia achiti zvaiva pachena kuti vaviri ava vakanga vachishungurudzana sezvo paiva nekukandirana kwemashoko, nekudaro vanofanira kugarisana murunyararo.

Share This:

Sponsored Links