Uncategorized

Oroverwa kusabata mimba: ‘Vabereki havadi zvakadaro’

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Oroverwa kusabata mimba: ‘Vabereki havadi zvakadaro’

Kwayedza

MUKADZI wekugara achirikitwa pamwe nekudzingwa pamba nemurume wake nenyaya yekuti haasi kuita mwana akazokwidza nyaya yake kudare.

Brenda Wilson akaendesa James Kamufose kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro sezvo achiti ashaiswa mufaro mumba nemurume wake uyo anogaromurova pamwe chete nekumutukirira.

“Dambudziko guru randiunza kudare nderekurohwa nemurume. Ari kundirova pamwe chete nekundituka nenyaya yekuti hatisi kuita mwana izvo zvaanoda kuti zviitike kufadza vabereki vake asingatsvagi dambudziko riri kukonzeresa,” akadaro Wilson.

“Chero kumubvunza nemari yaanotambira chaiyo kuti tione kuti toshandisa sei mari mumba, anobva andirova. Zvese izvi ihasha dzekuti sei tisiri kuita mwana. Iye ane mwana wake waakaita nemumwe mukadzi, ini ndine wangu wandakaitawo nemumwe murume uye ndakaita nhumbu mbiri dzichibva ndikazopedzisira ndaona kuti zvekuita mwana zviri kunetsa.

“Chimwe chakanyanya kunetsa kuti agare achingondirova ndechekuiti ndakaenda kunovhenekwa ropa ndikaonekwa kuti ndine utachiona hweHIV saka pakumubvunza kuti zvakauya sei ndipo paanobva atanga kundirova achinditongesa nekundidzinga pamba achiti uri kundizadza chirwere. Ndinogara ndichirara kumaraini zuva nezuva nenyaya yekuti anondidzinga pamba kunge imbwa chaiyo.

“Anonditsvagira tunyaya twekuti angowana kundirova chete. Ndikamubvunza nezveutachiona hwandinahwo anobva andirova. Kuchipatara chaiko haadi kuti tiende, chero pandakamuudza kuti ndakabatwa chirwere zvese anenge achingoti imhosva yangu,” akadaro.

Kamufose akabvuma mhosva iyi achiti dambudziko riri pakati pake naWilson ndere kuronga mhuri.

Kamufose akati: “Dambudziko guru vakuru vedare, ndere kuronga mhuri. Mukadzi wangu ndiri kuona kuti anenge asingachadi zvekuita mumwe mwana nekuti pari zvino tava nemakore mashanu taroorana pasina kana chimuko. Inini mwana ndinaye iye ane wake.

“Mubvunzo wangu uri pakuti haasi kubvisa maune here nhumbu dzese idzi zvava kuita kuti tigare tichitiburana? Chero vabereki vangu chaivo vava kutondinetsa kuti sei ndisiri kuita mwana, hameno kuti iye wacho anoda kuti ndiite sei nevabereki vangu ivo vakatarisira vamwe vana kwandiri?

“Vabereki vangu vava kutogara vachinditongesa kuti sei ndisiri kuita mwana. Panyaya yekushaya mwana iyi hatina kumbobvira taenda kuchipatara nekuti ndinoona kuti iye ndiye anenge ane zvekumusha kwake zviri kumunetsa, zvinoita kuti asade kuita mwana kana kuti ari kuzviitira maune achiti ndakamupa chirwere.

“Zvegwaro raari kuda handina zvangu pandingadzivirira kuti dare risamupa asi chikuru chandiri kuda kuti tiite mwana.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akapa Wilson gwaro redziviriro akati vaviri ava vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>