Oroverwa kuunza zvikomba pamba

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
PANE mumwe mukadzi akaendesa aimbova murume wake kudare redzimhosva achimupomera mhosva yekumurova achimuti ari kuenda nezvikomba zvake kumba kwavo vana vavo vachiona. Tambudzai Chitsepo akamhan’arira aimbova murume wake, Aaron Shayamano, kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

“Murume uyu ari kundishungurudza zvisingaite. Handichina kana mufaro pamba pangu nekuda kwake. Anouya kumba kwangu achindizvambura nekundituka nekuti anoda kuti nditsvage kumwe kwekugara. Imba yandiri kugara takaivaka tichiri mukadzi nemurume kusvika iye ati haachadi nezvangu akabuda mumba.

“Kutaura kuno ari kugara nemumwe mudzimai. Ini naye tine vana vaviri vandiri kugara navo pamba apa. Zvino akandidzinga anoda kuti ndiendepi?” akadaro Chitsepo.

Akati Shayamano ari kumupomera kuti ipfambi yemakoko nekudaro hazviite kuti arambe achigara pamba apa.
“Ari kuti ndiri kuita chihu** uye ndinounza zvikomba zvangu mumba.

“Anoti ari kuudzwa neshamwari dzake kuti ndiri kuita zvezvikomba asi iye haana kana musi mumwe chete waakambondisvikira ndichiita zvisakarurama,” akadaro Chitsepo.

Akaenderera mberi achiti ave kutyira upenyu hwake nekuda kwemaitiro aShayamano.
“Ndava kutotyira upenyu hwangu nekuti akati anoda kundiuraya. Nehasha dzaainadzo anogona kungondikanganisa. Ndinotoshaya kuti sei ari kundirambidza kuita zvevamwe varume iye akabuda mumba achinoitawo zvevamwe vakadzi.”

Shayamano akabvuma kuti akarova Chitsepo achiti akamuzvindikita nekuti akange ave kuita basa rekuunza zvikomba pamba pavo.
“Handisi kuramba kuti takanetsana nemudzimai uyu, ndakamurova nekuti ndakanzwa kuti ari kuita basa rekuunza zvikomba zvake muimba yatakavaka tose vana vachiona.

“Pandakazvinzwa hazvina kundiitira zvakanaka ndokusaka ndiri kuda kuti abude.
“Atadza kuremekedza vana vedu achiita zvisina maturo pamberi pavo. Handina hangu pandakambomuona aine vamwe varume asi ndozviri kutaurwa nevavakidzani vedu. Vanhu havangotauri pasina, vane zvavanenge vatoona,” akadaro Shayamano.
Mutongi Trevor Nyatsanza akatambira chikumbiro chaChitsepo chegwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links