Ospina, Welbeck parumananzombe

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Ospina, Welbeck parumananzombe

Kwayedza

DANNY Welbeck naDavid Ospina vanogona kubva kuEmirates Stadium zvichitevera kutengwa kwakaitwa vamwe vatambi vatsva naUnai Emery.

Arsenal yakatenga vatambi vakawanda nemari inodarika £70 miriyoni kubva pakavhurwa mukana wekutenga vatambi vatsva izvo zvakaona vamwe vakaita saLucas Torreira naMatteo Guondouzi vachiuya muchikwata ichi.

Vamwe vakatengwa ndevanoti Stephan Lichsteiner, Sokratis naBernd Leno.

Zvakadai, nyaya huru yavepo kuchikwata chekuLondon ichi kutengesa vamwe vatambi uye sekutaura kweDaily Telegraph zvichaisa ramangwana revamwe vanoti Welbeck naOspina patambo.

Vaviri ava vose vange vari kumutambo weWorld Cup nezvikwata zvavo kuRussia.

Welbeck akakwanisa kutamba kamwe chete muchikwata cheEngland kozoti Ospina aive muchikwata cheColombia icho chakazokundwa nechaGareth Southgate pamapena.

Apo Welbeck kondirakiti yake yasara negore rimwe chete, chinzvimbo chake muchikwata ichi hachizivikanwe zvichitevera kutengwa kwakaitwa Alexandre Lacazette naPierre-Emerick Aubameyang mwaka wadarika.

Muchinda uyu akakwansia kutamba ka43 muchikwata chemaGunners mwaka wadarika, asi mukana wekutanga mitambo waive mishoma sezvo akangotanga mitambo 12 chete muPremier League. — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey