Uncategorized

Otumidza nyoka zita remwana

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Otumidza nyoka zita remwana

Kwayedza

Michael Magoronga
MWANA anonzi Tanaka ofa zvisinganzwisisike, amai vake vobva vatumidza nyoka yavo zita rekuti Tanaka. Nyaya inoshamisa iyi iri kunetsa kwaMambo Chireya, kuGokwe, uko kune mudzimai ane mwanakomana wake akangofa zvisinganzwisisike, zita remwana uyu kwava kuritumidza pazinyoka rakawanikwa riri mumba make.

Manenji aya achangobva kuputika mubhuku raBurure, kuChidoma, uko amai ava – pamberi pechaunga chevanhu – vakashevedzera zita rekuti Tanaka, ndokubva mukweshwa wezinyoka wabuda muimba yavo yekurara uchienda kwavari.

Izvi zvinonzi zvakaitika mushure mekunge pamusha pemukadzi uyu pasvikwa navanatsikamutanda vechiporofita nguva pfupi yadarika.

MuZimbabwe hutsikamutanda hahubvumirwe uye mune mutemo weWitchcraft Suppression Act uyo usingatendere vanhu kupumhana huroyi.

Mwana waamai ava – uyo anga ava nemakore gumi ekuberekwa – anonzi akafa nguva yadarika asina kurwara.

Mushure mekufa kwemwana wake, vanotaura vanoti mukadzi akabva atanga “kuwana” kudarika zvaanga ari.

Zviri kunzi zinyoka iri ranga richigara rakaurungana muzimugomo rinogara mumba inorara amai ava.

Achireurura, mukadzi uyu anoti ndiye akasandura mwanakomana wake nemishonga — juju — ndokumuita zinyoka.

Sadunhu Madzivazvido vanotsinhira manenji aya vachiti nyaya iyi yatenderedza makurukota edare ravo misoro.

Vanoti mukadzi uyu ari kutarisirwa kumira mudare ravo.

“Hongu, tinaye mudzimai akawanikwa aine zinyoka raaichengetera muzimugomo muimba yake yekurara. Nyaya iyi yakabuda nekuda kwemaporofita vari kungotenderera mudunhu rino mazuva ano,” vanodaro Sadunhu Madzivazvido.

Sadunhu ava vanoti nyoka iyi yakatumidzwa zita remwana wekufa uyu – Tanaka.

“Mukadzi uyu paakanzi ashevedze nyoka yake, akadana kuti Tanaka. Chaunga chevanhu vaivepo vakapera mate mukanwa apo, mushure mekudana zita remwana wake akafa, zinyoka rakabva rabuda mumba yaamai ava yavanorara. Zvinoratidza kuti amai ava vakatumidza nyoka zita remwana wavo uyo akashaya zvisinganzwisisike,” vanodaro sadunhu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mukadzi uyu, uyo achamira mudare rangu, akabongomora mhere kuchema apo zinyoka iri rainge rauraiwa, ropiswa.

“Svondo rinouya tinotarisira kuti achatiudza zvakawanda apo achapinda mudare rangu.”

Mumwe akataura neKwayedza asi ndokukumbira kuti zita rake risabude nekutyira upenyu hwake anoti mukadzi uyu ane mwana akafa zvisina tsarukano.

“Mwana wemukadzi uyu, uyo ange ava nemakore gumi okuzvarwa, akangofa zvatisina kunzwisisa. Kubva ipapo, amai ava vakangotanga kuita upfumi hwatisiri kuziva kuti vari kuhuwanepi. Ndipo pakatanga kutenderera mashoko ekuti ndofunga vakachekeresa mwana wavo kuti vapfume,” anodaro.

Anoti mukadzi uyu – mushure mekunge azobvunzurudzwa pazere vanhu vemunharaunda – akareurura kuti akashandisira mwana wake Tanaka mishonga kuti asanduke kuva nyoka.

Share This:

Sponsored Links