Ozil orumbidza Ronaldo

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Ozil orumbidza Ronaldo Mesut Ozil

Kwayedza

MESUT Ozil orumbidza Cristiano Ronaldo, uyo waakambotamba naye nhabvu kuReal Madrid, achiti mumwe wevatambi vepamusoro-soro pasi rose kwemakore akawanda.
Vaviri ava vakatamba vese kuLa Liga kwemakore matanhatu ndokuhwina mikombe inoti weligi, Cope del Rey uye neSpanish Super Cup.
Ozil – uyo ave kutambira Arsenal – akataura pamusoro penguva iyo aitambira nhabvu kuSantiago Bernabeu nechizvarwa chekuPortugal ichi.

Cristiano Ronaldo


“Handisati ndamboona mumwe mutambi akaita saye,” anodaro Ozil.
“Ndainakidzwa chaizvo kutamba muchikwata chimwe chete naye nekuti aindibatsira kuti ndive mutambi wepamusoro uye munhu akanaka kana asingatambe nhabvu zvakare,” anodaro.
“Zvaive nyore kutamba naye nekuti waisafanirwa kumugadzirira mikana yakawandisa kuti anwise nekuti aingoda maviri chete obva anwisa. Aingonwisa kaviri ndiko saka ari muboka revatambi venhabvu vakapenga vepasi rese.
“Kunyangwe ndikangomupira kaviri chaiko, ainwisa kaviri, ndiko saka ari shasha mumutambo uyu.”
Ozil akanwisa gobhora rechipiri apo Arsenal yakakunda Newcastle 2-1 svondo radarika.
Uyu waive mutambo wake wechi200 achitambira maGunners kubva paakatengwa makore mashanu adarika zvichitevera kutengwa kwaakaitwa kubva kuMadrid nemari inosvika 42.5 miriyoni paunzi.
Ronaldo, uyo akabva kuMadrid achienda kuJuventus mwaka uno nemari inosvika 100 miriyoni paunzi, akanwisa magobhora maviri ekutanga kuchikwata chake chitsva ichi apo chakahwina 2-1 chichikunda Sassuolo svondo radarika. – SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links