Ozvambaradza mukadzi

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Ozvambaradza mukadzi

Kwayedza

Tatenda Shuro
VANHU vaive mudare vazoshamisika apo mumwe mudzimai akati kana murume wake achinge agumburwa neshamwarikadzi yake, anopedzera shungu kwaari achimuzvindikita. Ellah Mwanza anogara kuDzivarasekwa, muHarare, akaendesa murume wake Philemon Sarai kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro. Anoti murume wake kana akagumburisana neshamwarikadzi yake, anopedzera shungu kwaari.

“Murume rudzii anondipedzera shungu kana achinge avhiringwa kushamwarikadzi? Ini handichade nezvake, ngaasatombotsika gumbo rake pamba.

“Zvakare, imba iyi haisi yake, tiri kutongochengetwawo nasekuru vake asi iye anototi pamba ndepake,” anodaro Mwanza.

Anoenderera mberi achiti, “Murume uyu ipfambi nekuti akatobuda mumba achindisiya achinogara neshamwarikadzi. Aisindinyepera kuti anonoka ari pamutsetse wekutenga mafuta emota apo iye anenge anokemba zvake kushamwarikadzi. Kana azopedza zvaanoita ikoko, oda kuuya kwandiri.

“Akanyimwa kana bonde ikoko, anouya akaisa muromo mumhuno ondishungurudza nekundibhura.

‘‘Ngaaende ikoko ini handichada hangu, ndaneta nekutambwa kunge bhora,” anodaro Mwanza.

Mutongi Gwatidzo akapa Mwanza gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links