Ozvambura mukadzi nesimbi

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Ozvambura mukadzi nesimbi

Kwayedza

Janet Chari
MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achinzi ari kumushungurudza anotsinhira kuti amunorova nekuda kwekuti ari kurambira nemidziyo yake sezvo asisina basa naye. Tsitsi Mudzengerere akamhan’arira Cloud Gande kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa moto.

“Murume wangu ari kundishusha zvakanyanya zvekuti kuuya kudare kutsvaga nzira yekuti pave nerunyararo pakati pedu. Anondituka nezvinonyadzisira pamberi pevana nekundirova pasina zvikuru zvandinenge ndatadza. Dzimwe nguva anondirova nesimbi,” anodaro.

Mudzengerere anoti ava kutyira upenyu hwake pamwe nekudzikisirwa chimiro chake nekuda kwemaitiro aGande.
“Vana vanozokura vachidzidzei kana vabereki vachingorovana ivo vakatarisa? Ndaikumbirawo tsamba yerunyararo kuti murume uyu aregere zvaari kuita,” anodaro Mudzengerere.

Gande anoudza dare kuti anorova Mudzengerere nekuti ari kumurambidza kutora midziyo yake.
“Hongu, ndinomurova asi dai mandibvumirawo kuti ndiende kunotora midziyo yangu kumba ikoko nekuti mukadzi uyu ari kundirambidza kuti ndiitore.

“Mudzimai uyu handichagari naye uye handisi kuona pachine mukana wekuti tichagara tese nemamiriro akaita hukama hwangu naye. Dambudziko riri kuuya pakuti iye haasi kuda kutaura neni zvakanaka pandinenge ndichida kutora zvinhu zvangu. Ari kuramba nemidziyo yangu zvinova zvinozondipa hasha,” anodaro Gande. Mutongi Larzin Ncube akapa Mudzengerere gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links