Pablo oronga shoo

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Pablo oronga shoo Blessing ‘Pablo’ Chimwaza

Kwayedza

Blessing ‘Pablo’ Chimwaza

Blessing ‘Pablo’ Chimwaza

Abel Ndooka
PUROMOTA wemimhanzi Blessing ‘Pablo’ Chimwaza, wePabloz Promotions anoti ari kuronga shoo yekubatanidza vaimbi vemisambo yakasiyana, zvikuru veZim-dancehall, nedonzvo rekuvarukudzira kuti vasiyane nemhirizhonga pamwe nekutora zvinodhaka. Shoo iyi, sekutaura kwaChimwaza, ichaitwa musi wa21 Kukadzi pasi pedingindira rinoti  ‘Mbare United Against Violence’.

Zvakadaro, gore radarika vaimbi veZim-dancehall vanoti Soul Jah luv naSeh Calaz vanonzi vakarwa pasiteji kushoo chinova chiitiko chakashorwa zvikuru neveruzhinji.

Parizvino vaimbi vaviri ava vanonzi havasi kuonana uye vari kuimba nziyo dzekunyombana pamwe nekutukana izvo Chimwaza anoti anoda kugadzirisa.

Chimwaza, uyo anomaneja vamwe vaimbi vemusambo weZim gospel-dancehall vakaita saKiller Bees, anoti ari muhurukuro nevaimbi vazhinji vemusambo weZim-dancehall, vechitendero, sungura pamwe neurban grooves kuti vagouya kushoo iyi.

“Mhanzi sandi nhandare yetsiva kana kutukana kwete, mhanzi inofanirwa kudzidzisa pamwe nekuvaka saka ini ndiri kuronga shoo iyi iyo ndinoda kuparidza shoko rekuti vaimbi vabatane.

“Vatsigiri vemhanzi kana vachiuya kumashoo vanofanirwa kuuya kuzofara nekutandara vodzokera kudzimba dzavo vachifara kwete kuti vachibva kushoo vonanga kuchipatara vakuvara.

“Ndiri kuda kubatanidza vaimbi vese kuti vagouya kuzoparidza shoko rekuramba mhirizhonga uye vagokurudzira vanhu kuti vasiyane nekutora zvinodhaka zvakaita sembanje nebronco,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links