Pafa munhu hapashaikwi muroyi!

13 Dec, 2014 - 14:12 0 Views

Kwayedza

AFIRWA haatariswi kumeso, uyewo pese pafa munhu hapashaikwi muroi.
Izvi ndizvo zviri kubuda pahurongwa huri kuitwa naPresident Mugabe pavari kumisa Hurumende itsva mushure mokudzinga basa mutevedzeri wavo mubato reZanu-PF nemuHurumende, Cde Joice Teurai Ropa Mujuru, namakurukota masere eHurumende.

Vese pamwe chete vakasiiswa basa vanosvika madzimai maviri navarume vanomwe. Munyori mukuru mudare ramakurukota eHurumende, Dr Misheck Sibanda, vakatsanangura kuti kubviswa pabasa kwavapfumbwamwe ava kwakaitwa zviri pamutemo, uyewo kuchitevedzwa bumbiro romutemo.

Panze paizvozvo, akange asiri mabasa okutsvaga, asi kuti vese vakasarudzwa kuve pazvigaro izvi nemutungamiri wenyika. Nokudaro anosarudza anokwanisawo zvakare kuti, “aziva kwake, aziva kwake”.

Makurukota eHurumende akamiswa basa anosanganisira Cde Didymus Mutasa (Presidential Affairs), Cde Webster Shamu (Information Communication Technologies, Postal and Courier Services), Cde Simbaneuta Mudarikwa (Minister of State for Mashonaland East Province), Cde Francis Nhema (Youth, Indigenisation and Economic Empowerment), Cde Olivia Muchena (Higher and Tertiary Education, Science and Technology Development), Cde Nicholas Goche (Public Service, Labour and Social Welfare), Cde Dzikamai Mavhaire (Energy and Power Development) naCde Munacho Mutezo (mutevedzeri  kuEnergy and Power Development).

Zvikonzero zvokumiswa basa zvinosanganisira kuumba chikwata chaisusukidza kuti Cde Mujuru vatore chigaro chomutungamiri wenyika nechisimba, uyewo kupinza mweya wokusabatana mubato zvikapedzisira zvave kuti vamwe vanoti ndiri wokwanhingi, vamwewo vachiti ndiri wangana, mabasa ohuori nezvimwe zvange zvave kupa bato reZanu-PF chimiro chisina kunaka.

Vamwe vakagamuchira kudzingwa kwavo basa, asi vamwe vakatsvaga vokupomera mhosva. Cde Mutezo vakati pepanhau reThe Herald ndiro ravapedza.

Takamirira zvimwe zvakaburitswa pepanhau richienda kunotsikiswa pane zvinoda kuongororwa. Kana ivo Cde Mujuru vari kutsikawo madziro vachiramba zvavari kupomerwa kuburikidza namasangano enhau akazvimirira, uyewo masangano enhau enyika dzokunze akaumbwa kurwisa Hurumende yaCde Mugabe.

Asi, munhu adzingwa basa anorambirei ari mumusangano? Zvakafanana nokurambana kwomurume nomukadzi, asi voti vanoda kugara mumba imwe chete. Imba inenge iine rugare here? Kana Cde Mujuru vachiudza masangano enhau okunze kuti chikamu chebumbiro chakashandiswa kuvadzinga handicho, zvinoreva kuti vari kuti pane zviri pasi pomusuva wesadza. Hazvidi kukurumidzirwa. Nokorai tsoka muone kwatakananga.

Zvichibvawo naSimon “Chopper” Chimbetu akaimba “Kure kachana” (kuState House)! Kukuenda rwendo, rwendo rwokufamba, rwendo rwurefu rwusingaendwe nemakombi: “Idi kuState House kure! Kurefu iwe, kuState House kure!”

Zvotoda manyatera!

Share This:

Sponsored Links