Pafundo: Zim yava kumberi

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE yakarumbidzwa zvikuru nekuzadzikisa kwayakaita zvimwe zvinangwa zveMillenium Development Goals (MDG’s) muchikamu chedzidzo izvo zvinosanganisira kuona kuti vana vose vanotanga dzidzo yepuraimari vanopedza danho iri.

Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika muHarare pagungano raitsigirwa nesangano reZimbabwe United Nations Development Assistance Framework (ZUNDAF) rakabatana nenhengo dzemapoka akasiyana senzira yekunzvera budiriro yakaitwa nenyika ino muzvirongwa zvakasiyana kubvira mugore ra2012-2015.

Vachitaura pamusangano uyu, mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuUnicef, VaVictor Chinyama, vakati United Nations yakabatsira zvikuru nyika ino munyaya dzefundo, utano, kuwaniswa kwekudya kunovaka muviri, mvura yakachena, kuchengetedzeka nekuwaniswa pekugara kune veruzhinji.

“Tikatarisa munyaya yedzidzo, taive nechinangwa chekuona kuti chikamu che98 percent chevana vari kuita dzidzo yepuraimari vawana nzvimbo kusvika mugore ra2015 saka takaedzawo zvikuru nekuti pari zvino tiri pa73 percent,” vakadaro VaChinyama.

Vakati zvinangwa zvavo zva2015 ndezvekuona kuti chikamu che74 percent chevadzidzi vepuraimari vapedze zvidzidzo zvavo asi pane budiriro huru kwazvo sezvo mugore rino chikamu ichi chakasvika 98 percent.

“Munyaya dzekupasa, chinangwa chedu chegore ra2015 taida kuona kuti chikamu che50 percent chevadzidzi vepuraimari vange vakapasa apowo kusekondari tichitarisira 20 percent yekupasa.

Takaona kuti nyika yakarwa imire nekuti muna2013 takave nechikamu che45  percent chekupasa pachidanho chepuraimari ne21 percent yekusekondari kureva kuti takatopfuura ne1  percent pane zvatakange takatarisira,” vakadaro.

Vakatiwo munyaya dzeutano, nyika yaive nechinangwa chekuve nemadzimai ane chikamu che90 percentvanosunungutswa nemachiremba akafundira basa iri kusvika mugore ra2015 uye pari zvino chikamu ichi chiri pa80  percent.

“Tichizoendawo pakudzivirirwa kwezvirwere kuvana vane gore rimwe chete rekuberekwa zvinangwa zvedu zvegore ra2015 zvaive zvakatarisana nechikamu che100 percentasi pari zvino tiri pa69 percent apowo kuyamwiswa kwevana pasina kuvapa kumwe kudya kuri pa41 percent asi paine tarisiro yekuti mugore ra2015 tinge tasvika pa50 percent kana kudarika,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>