Pairesi yatiwondomotsa: Gringo

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Pairesi yatiwondomotsa: Gringo

Kwayedza

SHASHA yekuekita madhirama, Lazarus ‘Gringo’ Boora, anoti nyaya dzekutengeswa kwemitambo pamisika yemikoto kana kuti pairesi dziri kudzorera indasitiri yavo kumashure zvikuru.

Achitaura nguva pfupi yadarika kuManyene kuChikomba West, uko kwaiparurwa firimu rinonzi Zvoitwa Sei Series 2, Gringo akati pairesi iri kukanganisa zvikuru budiriro yevanoita zvemadhirama pamwe nemafirimu.

Gringo anoti zvinosuwisa kuti nhubu dziri kubatwa nemhosva yepairesi hapana zvadziri kuitwa kunze kwekungobhadhariswa mari shoma yefaindi dzosiiwa dzichienda.

Anoti kusiiwa kuri kuitwa nhubu dzinobatwa dzichitengesa maCD pamwe nemaDVD epairesi zvinorakidza kuti pane zvimwe zvakavanzika zvinoda kuferefetwa zvakasimba panyaya iyi.

“Chirwere chinonzi pairesi aiwa chatiwondomotsa, chatigarisa pasi.

“Zvinorwadza kuti isu hatisi kumbokwanisa kudya zvishandwa zvinobva mumawoko edu nekuti vakomana vepairesi ndivo vari kusveta patinenge tasevenza.

“Dai Hurumende yapindira zvakasimba yanyatsosunga nhubu idzo dzinenge dzabatwa nemhosva nekuti zvinotishamisa dzechekuti vanenge vabatwa hapana mutongo wakanyanya wavari kumbopihwa.

“Ini kuuya kwandaita kuno kuChivhu ndauya nekombi chaiyo dai ndauya nemota yangu asi handina nekuti ndinoitenga nei pairesi yapedza kukohwa pandakarima?

“Ini pandiri pano ndinotoshuvirawo kunge ndichibatsira zvikoro zvakasiyana nekuzvipa zvavanenge vachida izvo zvavanozondirangarira nazvo vachiti takapihwa naGringo asi handikwanise kuzviita,” akadaro Gringo.

Zvakadaro, Gringo akakurudzira vemadhirama vari kusimukira kuti vashinge muindasitiri iyi nekuti vachagara vachisangana nepairesi.

“Indasitiri iyi yezvemitambo inotoda kushinga zvakanyanya, kana wafunga kupinda mune zvemadhirama wotoziva kuti une hondo yekurwa. Zvinotoda hushingi chete kuti tikunde mundima umu,” akadaro Gringo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey