Uncategorized

Pakumitisa pwere Mash Central iNo. 1

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Pakumitisa pwere Mash Central iNo. 1

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
HURUMENDE inoti iri kushushikana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzevana vari kubata pamuviri vasati vabva zera nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira hurombo uye dunhu reMashonaland Central ndiro riri pamusoro pavanasikana vari kuita nhumbu riine chikamu che28%.

Izvi zvakabuda kubva paongororo yakaitwa nguva yadarika ye2016 National Adolescent Fertility Study Report.

Ongororo iyi inoratidza kuti panyaya dzevanasikana vari kuita mimba vasati vabva zera, Harare ndiyo ine vashoma nechikamu che7%.

Zvakabuda zvakare muongororo iyi kuti matunhu anoti Matabeleland North neMatabeleland South akatarisana nenjodzi huru yevanasikana vanoita pamuviri pasina kurongeka.

Kumbunyikidzwa kwevanasikana panyaya dzepabonde kwakaonekwawo kuri iko honzeri huru iri kuita kuti vabate pamuviri.

Vachitaura svondo rapera, pakuparurwa kwegwaro reongororo iyi zviri pamutemo

pamwe nereNational Adoloscent and Youth Sexual and Reproductive Health Strategy 2, 2016-2020 paSt Albert’s Mission Hospital kuCentenary, kuMuzarabani North, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana — Dr David Parirenyatwa — vanoti Hurumende iri kutora matanho ekurwisa nyaya dzekushungurudzwa kwevanasikana pabonde.

Ongororo iyi yakaitwa nemushandirapamwe webazi iri, National Family Planning Council nesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) nedonzvo rekunzvera zvikonzero zviri kuita kuti vanasikana vakasike kuita pamuviri uye kuroorwa vachiri ndumurwa zvisinei nekuti Hurumende iri kuedza zvikuru kurwisa matambudziko aya.

“Ongororo yakaitwa inoratidza kuti chikamu che17% chevanasikana vane makore 15-19 vakaita pamuviri apowo che0,2% chevane makore 10-14 ekuberekwa vakasanganawo netsekwende imwe chete iyi. Zvimwe zvakaonekwa sezvikonzero zvekukasika kuita pamuviri kwevana inyaya dzeurombo, hunherera nezvitendero zvinotevedzwa nemamwe machechi seechipositori.

“Rimwe dambudziko kusapindirana kwemitemo inoona nezvezera rakakodzera kubvuma kupinda pabonde rinova riri pamakore 16 okuberekwa apo zera rakakodzera kuroorwa kana kuroora riri pa18 saka ndizvo zvimwe zvinofanira kugadziriswa,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti vanasikana vari panyatwa huru apo vanoita pamuviri pasina kurongeka sezvo vanogumisira vave kusiira chikoro panzira, kubvisa mimba, kudzingwa pamba nevabereki nekusangana nezvigozhero zvinoda oparesheni sezvo tsinga dzavo dzemuviri dzinenge dzisati dzasimba kuti vasununguke zvakanaka.

“Nhumbu dzinodarika gumi dzemhando iyi dzekutanga dzine mugumo wakashata apo dzinozvarwa vana vasingararame,” vanodaro.

Vanoti zvakare zvave kuda mushandirapamwe wevanhu munharaunda kuti vafundiswe nezvekuipa kwetsika yekuroodza pwere uye kuti vakoshese dzidzo yevanasikana.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, anomirira Muzarabani South mudare reNational Assembly, Cde Christopher Chitindi, vanoti dunhu ravo ndiro riri pamberi munyaya dzekumitiswa kwepwere nokudaro panofanira kutorwa matanho ekuderedza dambudziko iri.

“Nyaya dzekumitiswa kwevana dzinoderedza budiriro yenyika nekuti zvipatara zvinosangana nemitoro mikuru apo vanasikana ava vanotora nguva refu vari muzvipatara nekuda kwezvavanosangana nazvo pakusununguka. Zvakare, imhosva huru ine mhirizhonga mukati kupinda pabonde nepwere.

“Saka tinokurudzira vanhu kuti vamhan’are nyaya idzi kumapurisa pane kudzivanza,” vanodaro.

Vanoti dunhu ravo rine dambudziko rekushomeka kwevarapi muzvipatara.

“Varapi vari muzvipatara zvedu vashoma zvikuru asi tiri kutarisira kuvaka zvimwe zvipatara zvitatu kuti tideredze ndufu uye kuwanda kwebasa kuvarapi,” vanodaro.

Mumiriri weUNFPA muZimbabwe, VaCheikh Cisse, vanoti sangano ravo rakazvipira kushanda nemamwe mapoka mukurwisa nyaya yekumitiswa kwevanasikana vasati vabva zera.

Vamwe vaive pachiitiko ichi vanosanganisira vanasikana vasati vabva zera avo vane pamuviri.

Muhurukuro neKwayedza, mumwe wevana ava anoti akasiira chikoro panzira mushure mekunge aroodzwa.

“Ini ndakaroorwa ndiine makore 15 okuberekwa uye murume wangu ane makore 23 ekuzvarwa achiita mabasa ehukorokoza. Ndiri kutarisira kusununguka mwedzi uno uye ndakasiira chikoro panzira,” anodaro.

Vamwe vevanasikana vane pamuviri vakakurukurwa navo vanoti inherera uye havana kukwanisa kusvika Grade 7 padzidzo.

Pasi rose, vanasikana vane makore 15-19 ekuberekwa vanosvika 16 miriyoni uye 2 miriyoni vavo vari kusununguka vana gore roga-roga.

Share This:

Sponsored Links